Accessibility links

Breaking News

Vhidhiyo reAl Jazeera Rekupedzisira Rinonzi neVamwe Rakaburitsa Pachena Kutapwa kweHurumende neMakoronyera eGoridhe


mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo, Amai Auxilia Mnangagwa.
mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo, Amai Auxilia Mnangagwa.

Vamwe vari kutevera nyaya yekuburitswa kwegoridhe zviri kunze kwemutemo pamwe nekucheneswa kwemari dzakasviba yakaburitswa nenhepfenyuro yeAl Jazeera, vanoti vhidhiyo rekupedzisira rakaburitswa neChishanu rinoratidza kutapwa kwakaitwa hurumende nemakoronyera.

Mukuru wesangano rinorwira kuchengetedzwa kwezviwanikwa, reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu vanoti hurumende inenge isisiri kuita zvainotarisirwa kuti inge ichiita, uye mutungamiri wenyika anenge atsveta parutivi mhiko dzaakatora kuti ndichange ndiri munhu anotungamira maringe nebumbiro remitemo yenyika.

"Saka documentary iri riri kuratidza kuti mutungamiri wenyika vari kususukidza mberi zvido zvemakoronyera, zvinove zviri kuita kuti hupfumi hwenyika hunofanirwa kunge huchibatsira kuvaka zvipatara kuti vanhu vararame, mari idzodzo ndomari dziri kutorwa nanaPuttni, nanaMacMillan nana Uebert Angel ne first family," vanodaro VaMaguwu.

Vanoti dai muri mune dzimwe nyika, zvakadai izvi zvinhu zvinofanirwa kuti matare eparamende neseneti agare pasi vozeya kuti hutungamiri hurimo munyika huchiri kukodzera here kuti hurambe huripo?

Mazita emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mudzimai wavo Amai Auxilia Mnangagwa, pamwe nemumwe wevanakomana vavo pamwe nevamwe vari mubato reZanu PF, vakaita saVaScott Sakupwanya, akataurwa kwazvo muvhidhiyo rekupedzisira iri.

Asi mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, havana kutaurwawo munyaya iyi, vamwe vachiti zvinoratidza kuti vakachena, asi vamwe vachitiwo dzimwe nguva Al Jazeera yakangonangana nemhuri yemutungamiri wenyika nevanodyidzana nayo.

Chikamu chechina ichi, icho chakanzi “Gold Mafia Episose 4: Have The King With You,” chinoratidza makoronyera akaita saVaEwan MacMillan vachitaura pachena kuti vanoshanda nemutungamiri wenyika pamwe nevana vavo.

Pamwe pacho VaMacMillan vanobuda vachiratidza chiringazuva kana kuti wachi inodhura semare yerudzi rweRolex, yavanoti vakapiwa sechibatiso nemwanakomana waVaMnangagwa mushure mekunge vamukweretesa mari.

VaAngel vanobudawo vachitaura nemakoronyera vachiavimbisa kuti vanokwanisa kuarongera misangano nemutungamiriri wenyika uye kuti vanokwanisa kushandisa ndege yemutungamiriri wenyika kutakura mari kana goridhe pasina zvinoitika kwavari.

VaAngel pane zvimwe zvikamu vanobuda vachitombofonera vavanoti mudzimai wemutungamiriri wenyika Amai Auxillia Mnanangwa uye kutarura kuti vane nhamba dzefoni yemutungamiriri wenyika.

Vhidhiyo iri rakaburitsawo pachena kuti kunyange mudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika mushakabvu, VaRobert Mugabe, Amai Grace Mugabe, vaiburitsawo mangoda munyika zviri kunze kwemuutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG