Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika nhasi kucherechedza zuva rechirwere chekutadza kunyatsogwamba kweropa sezvinotarisirwa pamunhu kana kuti World Hemophilia Day. Kusagwamba kweropa uku kunozopa kuti munhu arambe achibuda ropa zvakanyanya akakuvara mudumbu kana pamuviri wake.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano hweropa Dr Gilta Gura vaudza Studio 7 kuti chirwere ichi chinoparara kubva kuvabereki kunyaya kuvanakomana. Dr Guta vaendera mberi vachitsanangura zvimwe zvezviratidzo zvinoonekwa pamurwere hweHemophilia.
Mumwe chiremba Dr Enock Mayida vatiwo kutadza kugwamba kweropa kunopinza hupenyu hwemunhu munjodzi huri sezvo achirasikirwa neropa rakawanda kana asina kuwana mishonga yekubatsira kuti ropa rigwambe.
Mukuru weZimbabwe Haemophilia Association VaElliot Chintembo mumwe wevarume vakazvarwa vaine denda iri. VaChintembo vati pavarapwa zana nemakumi mapfumbamwe nevasere kana kuti 198 vakanyoresa kusangano ravo, pane madzimai maviri chete.
VaChintembo vanoti chirwere ichi chiri muzvikwata zvitatu vachiti chine nguva yachinokanganisa zvakanyanya hutano hwemunhu.
Sangano reWorld Federation of Haemophilia, iro rine mahofisi kuNational Blood Transfusion Services ndiro rinopa mishonga nemajekiseni ekuti ropa ringwambe zvakanaka
VaChintembo naDr Gura vakurudzira vose vanofungidzira kuti vane vadiwa vangave nedambudziko iri kuti vaende kuDepartment of Hematology iri kuWard 10 kuchipatara cheParirenyatwa, kana kuenda kuzvipatara zviri kumatunhu ose.
Dingindira regore rino rakanangana nekuwanisa vanhu mishonga kuti vasarambe vachibuda ropa kunyika dzose dzepasi rino kana kuti “Access for All: Prevention of bleeds as the global standard care.”
Facebook Forum