Accessibility links

Breaking News

Baba VeMwana Anoti Akambunyikidzwa naIshe Charumbira Vanoti Mutemo Ngautevedzerwe


Ishe Fortune Charumbira.
Ishe Fortune Charumbira.

Baba VaPaidamoyo Mujaya, mumwe mudzimai ane makore makumi maviri nemanomwe kana kuti 27 ari kuti akabatwa zvisina kufanira panhengo dzemuviri wake dzakawanzika naMambo Fortune Charumbira vatenda kuStudio 7 kuti mwana wavo akamhan’ara nyaya iyi kumapurisa vachiti panofanira kutorwa matanho akasimba.

Mumagwaro emhosva awonekwa neStudio 7, VaCharumbira vari kupomerwa mhosva yekumbunyikidza mudzimai uyu kana kuti “indecent sexual assault” sezviri mumutemo weCriminal Law Codification and Reform Act. Mumashoko ake kumapurisa Paidamoyo Mujaya anoti akabatwa zvisina kunaka pane imwe hotera kuHarare pamwe nemumotokari vari munzira yekuenda kuMazowe musi wa31 Kurume pamwe nemusi wa 2 mwedzi uno.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ekuMasvingo Central musi weMugovera uye mudzimai uyu anoti VaCharumbira vakashandisa chisimba kumubata panhengo dzakavanzika pamwe nekumutsvoda mushure mekumudaidza kuhotera kwavaigara vachiita basa reparamemende.

VaTamuka Majaya, baba vaPaidamoyo vanoti ichokwadi kuti mwana wavo akamhan’ara nyaya iyi kumapurisa nemurume wake.

Ishe Charumbira ndivo ndivo mutungamiri wedare remadzishe munyika uye vari mukuru wedare rePan African Parliament. Studio 7 yave nemazuva ichiyedza kutaura naVaCharumbira kuti tinzwe divi ravo asi vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commisioner Paul Nyati vati havakwanisi kutaura nezve nyaya iyi sevo vakabatikana negadziriro dzezuva rekupembererera kusununguka kwenyika.

Mambo Charumbira vange vasingadairi mibvunzo kana nharembozha yeStudio 7 kubva pavakatanga kubvunzwa nezvenyaya iyi nezuro.

Vanorwira kodzero dzemadzimai musangano reMasvingo Women’s Forum, Amai Sungano Zvarebwanashe vati kana nyaya iyi inofanira kuferefetwa nemapurisa pasina kutora divi.

Izvi zvatsinhirwawo nevanoona nezvematongerwe enyika vakazvimiriria, VaArchibold Madida.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG