Zimbabwe yapemberera nhasi kusvitsa kwayo makore makumi mana nematatu ekuzvitonga panguva iyo zvinhu zvakawanda zvisina kumira zvakanaka munyika munyaya dzehupfumi pamwe nedzekodzero dzeveruzhinji, zvikuru kune vechidiki. Asi vamwe vanoti zvinhu zviri kuvafambira zvakanaka.
Apo vamwe vaswera vachipemberera zuva rekuzvitonga, vamwe vechidiki vanoti zuva ranhasi rinovayeuchidza hunhapwa hwavari kugara munyika yavo.
Vakafanobata chigaro chemutauriri wevechidiki mubato reCitizens Coalition for Change, VaStephen Tshuma, vanoti hakuna chinoyemurika chaitwa nehurumende yeZanu PF kubva muna 1980. Vanoti, “Kubva zvatawana kuzvitonga kuzere, vechidiki vari kunonga svosve nemuromo, vari kungotora zvinodhaka nekuda kwekushaikwa kwemabasa.”
Vaenderera mberi vachiti, “Kunyange hurongwa hwekugoverwa kwevhu hwakavambwa mugore ra2000, vechidiki havana chavakawana nekuti vakuru muZanu PF ndivo vega vaiwaniswa. Tinoona zvekare kuti kodzero dzevechidiki dziri kumbunyikidzwa, kunyanya vakada kutaura kuti zvinhu zvakaoma. Saka hatina chatinoona chinoyemurika chaitwa nehurumende ichitungamirirwa neZanu PF. Tinokurudzira kuti hurumende inotevera ishandise hupfumi hwenyika zvakanaka, kwete kungodyiwa nevashomana vanenge vari muhutongi.”
Asi mumwe wevechidiki muZanu PF uye vari mumiriri we Seke-Chikomba muparamende, Muzvare Tatenda Mavetera, vanopokana nemuono waVaTshuma, vachiti hurumende, kunyanya yaVaEmmerson Mnangagwa, iri kuedza nepese painogona kuvandudza hupenyu hwevechidiki. Muzvare Mavetera vati, “Kubva 1980 vechidiki vakawanda vasimudzirwa munyaya reparamende, uri muenzaniso.”
Vaenderera mberi vachiti, “Vechidiki vave kukwanisa kuwanawo mari yekutamga mazhizimusi avo kubudikidza nebhanga re Empower Bank, ratiri kukurudzirawo kuti riwedzere mari yariri kupa vechidiki. Mutungamiri wenyika vaMnangagwa varikupa vechidiki mombe nenguruve kuti vatange maProjects. Kozitiwo hurongwa hwembudzi nehuku hurimo munyika. Nyaya yekupedza zvinodhaka iri kugadziriswa zvekare, zvinoita kuti titende zvose zviri kuitwa nehurumende iripo iyi, kusimudzira vechidiki.”
Mumwe anorwira kodzero dzevechidiki, uye akambomirira Zimbabwe kuWorld Federation of United Nations Association, VaMcLeo Mapfumo, vanoti hurumende inofanira kugadzirisa hupfumi hwenyika kuitira kuti isarasikirwe nevechidiki vave kutiza nyika yavo, vachinopundutsa dzimwe nyika.
VaMapfumo vati, “Tine dambudziko rekuti zvikoro zvedu zvedzidzo yepamusoro zviri kubika vadzidzi vakawanda chose, asi kana vapedza zvidzidzo zvavo, havasi kuzowana mabasa, zvinoita kuti vatsvage mafuro kune dzimwe nyika. Vatinzwe, “Saka tinotarisira kuti hurumende ichapinda, kana sarudzo dzaitwa, itore matanho akasimba ekuti vechidiki vasimudzirwe. Simba riri kushandiswa nevechidiki kunze uko, rikadzoswa kumba, nyika inobudirira. Mikana iri kuwanika munyaya dzezvekurima, munyaya dzezvicherwa, uye mune zvekushanyirwa kwenyika, dai yawaniswawo vechidiki.”
Sachigaro vesangano reZimbabwe Anti-Sanctions Movement, Muzvare Rutendo Matinyarare, vanoti zvisinei nekuti nyika ine zvirango zvehupfumi zvayakatemerwa, hurumende iri kuedza kusimudzira vechidiki nenzira dzinoshamisa kubva payatemerwa zvirango izvi mugore ra 2001.
Vati, hurumende yakwanisa kuwanisa vechidiki fundo yepamusoro muno muAfrica, kubudikidza nekuvakawo zvikoro, maUniversity, zvikoro zvinodzidzira vana mukoti navana chiremba, uye vanoda kudzidzira mabasa emaoko.”
Vatiwo, “Takatongerwa zvirango zvehupfumi asi nhasi uno mwana weZimbabwe anobuda onoshanda kune dzimwe nyika, otumira mari kumusha, kuti nyika irambe yakamira. Tinokurudzira hurumende kuti irambe ichienderera nekusimudzira nyika; vawanisewo vechidiki ava mari dzekutanga mabhizimusi uye kurwisa kubvisa zvirango zvehupfumi.”
Mukuru wesangano rinomirira kodzero dzevechidiki, kunyanya madzimai, richishanda riri mudunhu reMashonalanda Central, reInstitute for Young Women Development, Muzvare Glanis Changachirere, vanoti hurumende iri kuenderera mberi ichityora kodzero dzevechidiki dzakachengetedzwa nebumbiro remitemo yenyika.
Muzvare Changachirere vati, “Kunyange hazvo mugore ra2013 takaisa bumbiro remutemo idzva rinotaura muSection 20 kuti vechidiki vanofanira kunge vachiwaniswa mikana zvakaenzana nevamwe vose munyaya dzezvematongerwo enyika, zvehupfumi nekuvakwa kwenharaunda, tiri kuona kuti izvi hazvisi kuitika.”
Vatizve, “Semuenzaniso, nemawandiro akaita vechidiki munyika, 10% yezvigaro zvavakapiwa mudare reparamende haikwani zvachose. Munyaya dzehupfumi hwenyika, vechidiki vari kutambudzika zvakanyanya uye 90% yevanhu vemuZImbabwe havana mabasa. Vechidiki vari kunyanya kutora zvinodhaka nekuti vari kushungurudzika mupfungwa nemamiriro ezvinhu. Saka parizvino sevechidiki hatisi kuona zvakanyanya zvataitirwa kubva nyika ichiwana kuzvitonga kuzere.”
Asi mukuru anoona nezvekubuditswa kwemashoko mubazi revechidiki, VaWeston Makoni, vanopokana nemuono uyu, vachiti hurumende iri kukavira bhora mberi, mukusimudzira vechidiki. VaMakoni vati, “Kubvira 1980, hurumende yadzika mitemo yakawanda ine chekuita nevechidiki, uyewo ine bazi rakazara rinomirira nyaya dzavo. Kozotiwo masangano akafanana neZimbabwe Youth Council neJunior Parliament, anobatsirawo vechidiki mukubudirira kwenyika.”
Vaenderera mberi vachitizve, “Munyaya dzedzidzo, kubva nyika iwane kuzvitonga kuzere, matunhu ose ava nemaUniversity, kusiyana neimwe chete yaiveko muna 1980. Zvikoro zvinodzidzisawo masaba emaoko zvawanda munyika, zvinoita kuti vechidiki vakwanisewo kuva vanamuzvinabhizimusi.”
Wechidiki anowongorora nyaya dzematongerwo enyika, VaLuke Chitsike, vanoti remangwana revechidiki riri mumaoko avo. VaChitsike vati, “Zuva rekupemberera kuzvitonga kuzere izuva rekuti vechidiki vakwanise kuona kuti nyika ino yakasunungurwa nevechidiki, uye kwatava kuenda, kwava kudawo vechidiki kuti vatore nyika iyende padanho rinotevera.”
Zuva rekuzvitonga kwenyika rasvika mazuva mana mushure mekunge nhepfenyuro yeAl Jazeera yaburitsa firimu rayo rekupedzisira rinoburitsa pachena huori huri kuitwa nevakuru vakuru pakutengeswa kwegoridhe mari yacho isingapinde muhomwe yehurumende.
Facebook Forum