Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weCCC, VaChamisa Vanosangana neMumiriri weBritain muZimbabwe, Amai Robinson, Vachizeya Nyaya Dzakanangana neSarudzo


Mumiriri weBritain muZimbabwe, Amai Melanie Robinson
Mumiriri weBritain muZimbabwe, Amai Melanie Robinson

Mutungamiri webato reCitizens’ Coalition for Change, CCC, VaNelson Chamisa, nemusi weChina vakasangana nemumiriri weBritain muZimbabwe, Amai Melanie Robinson, vakazeya nyaya dzine chekuita nesarudzo dziri kutarisirwa munyika gore rino.

Mutevedzeri wemutauriri weTriple C, VaGift Ostalos Siziba, vanoti VaChamisa vakataura nyaya dzakakosha neAmai Robinson vachiti sebato rakamirira kupinda muhurumende vanofanirwa kuendesa mberi kudyidzana kweZimbabwe nedzimwe nyika.

“Tanga tine musangano naAmbassador Melanie Robinson watanga tichi kurukura namagadziriro atinoita musangano. Munozviziva kuti Zimbabwe inodyidzana nenyika dzakasiyanasiyana,” vanodaro vaSiziba.

Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa
Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa

Vanoti pakakurukurwa nyaya dzinosanganisira dzekuzvipira kwavo sebato kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena, vachiti kana sarudzo dzakasachena zvinokanganisa hukama kwehurumende nevanhu vayo.

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter, Amai Robinson vati vakakurukura naVaChamisa nezvekukosha kwekuti sarudzo dziri kuuya dzinge dziri murunyararo, dzinotambirika uye dzichipindwa nemapoka ose.

Vati Britain yakazvipira kusimudzira nekuchengetedza hutongo hwejekerere nekodzero dzevanhu pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG