Accessibility links

Breaking News

Vamwe muArcadia Voyedza Kubatsira VeChidiki Kuti Vasiye Kushandisa Zvinodhaka


Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti kushandisa zvinodhaka kunokonzera matambudzi makukutu munyaya dzezvehutano kusanganisira kufa, zvirwere zvemapapu, chiropa, moyo uye kurasika pfungwa.

Asi kunyangwe izvi zvichizivikanwa, vechidiki vakawanda mumusha weAracadia muHarare nenzvimbo dzakawanda mumadhorobha nekumamisha vanonzi vari kushandisa zvinodhaka. Asi vamwe vakuru venzvimbo yeArcadia vatora matanho ekuti vechidiki munharaunda mavo vasiye kushandisa zvinodhaka vachigwinyisa miviri yavo.

Imwe nhengo yebhodhi reArcadia Community Centre VaDurall Adams vanoti hutano hwevechidiki hwavhiringidzwa zvakanyanya nenyaya yekushandisa zvinodhaka. Vamwe vanonzi vave kuguma voitawo zvechipfambi vasati vabvazera.

VaAdams vanoti kana muzvikoro vamwe vana vane makore gumi nemashanu vave kushandisa zvinodhaka uye vari kukurudzira mapurisa kuti auye nembwa dzavo muzvikoro kuti vasunge vari kutengesera vana zvinodhaka.

Vaenderera mberi vachiti zvirongwa zvavari kuita hazvisi kufarirwa nevamwe vanotengesa zvinodhaka zvekuti dzimwe nguva vanotombotyisidzirwa. Vatiwo vari kutyora mutemo ava havasi kutorerwa matanho akasimba.

Mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe VaRaymond Majongwe vatsinhirawo vachiti vamwe vanotengesa zvinodhaka vanozivikanwa nemapurisa.

Mumwe wechidiki atarisana nedambudziko iri ndiTinei Makurumidze uyo ati akasiya chikoro nekushaya mari achibva atanga kuputa nekutengesa mbanje.

Chiremba, vari nhengo yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change vachimirira Chinhoyio mudare reparamende Doctor Peter Mataruse vaudza Studio 7 kuti kusamira zvakanaka kwehupfumi kuri kupa kuti vamwe vanhu vakuru nevadiki vagume voshandisa zvinodhaka.

Doctor Mataruse vaenderera mberi vachiti mapurisa anofanirwa kupiwa zvikwanisiro zvokuti vaite basa ravo zvakanaka nekusunga vari kutengesa zvinodhaka.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano hwepfungwa vachishandira kuIngutsheni Psychiatric Hospital Dr Wellington Ranga vakaudza bepanhau reSunday News kuti vanoona varwere gumi pazuva vanenge vavhiringidzwa pfungwa nezvinodhaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG