Zimbabwe nhasi yacheredza zuva revashandi pasi rese reInternational Workerss Day, Zimbabwe Congress of Trade Unions kana kuti ZCTU ichikurudzira vashandi kuti vabatane muhondo yekurwira mihoro inogutsa uye kuti varwise maChina awo anovarova pabasa nekuvapa mihoro isina zvainotenga.
Vachitaura pamhemberero dzaitwa mumusha weDzivaresekwa muharare, mutungamiriri weZCTU, Amai Florence Taruvinga vati zvinosuwisa kuti vashandi vakawanda vatadza kuuya kumhemberero idzo nekuti hurumende neveshandirwi havasi kukoshesa zvichemo zvevashandi.
Vaenderera mberi vachiti zvakakosha kuti mushandi aremekedzwe sezviri kutarisirwa pasi pendingindira ravo regore rino rekuti vashandi vanoda kuwana chouviri muZimbabwe yakasungunuka isina huwori nenhamo kana kuti “Workers Demand an Inclusive Zimbabwe Free from Poverty, Corruption and Oppression,”
Vakurudzira vashandi kuti sezvo nyika yatarisana nesarudzo vanofanira kuvhota zvine hungwaru uye vayambira vemapato ezvematongerwo enyika kuti vasiyane netsika yekuvhunduitsira kana kudzinga vashandi nekuda kwemapato avanotsigira.
Vashorawo mamwe makambani anobva kuChina ari kushandira muZimbabwe vachiti anombunyikidza kodzero dzevashandi.
Vachitaurawo pamhemberero iyi, mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Masaraure, vati vashandi vaneta nemihoro isingatenge pamwe hehuwori uye ZCTU inofanira kuronga kuratidzira nyika yose.
Mumwe mushandi apinda mumhemberero idzi VaPolite Mushayi, vati dai hurumende yawedzera mihoro nekuti hupenyu hwaoma.
Mumwe mugari wekuChitungwiza Amai Veronica Gutu vaudza Studio 7 kuti hurumende ngaipinze vanhu mabasa vachiti vave kuramba vachichengeta vana vavo kunyangwe vasvika mazera ekushanda.
Vange vakamirira gurukota rinoona nezvevashandi nekugara zvakanaka kwevanhu, Muzvinafundo Paul Mavhima, VaClifford Matorera vati, hurumende inoda chose kuti vashandi vagare zvakanaka ndosaka iri kuita nhaurirano navo pasi peNational Joint Negotiating Council.
Mapato ezvematongerwo enyika ari muparamende ange akakokwa ese uye Tripple C ndiyo chete yange iripo.
Vachitaura kumagumo emhemberero idzi, mutungamiriri webato iri, VaNelson Chamisa, vatenda vese vapinda mumhemberero nekuti vanotsigira vashandi.
Mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko muZanu PF VaTafadzwa Mugwadi vaudza Studio 7 kuti bato ravo rinokoshesa vashandi asi vakati kunyange hazvo vasina kupinda mumhemberero dzeZCTU, vatungamiriri vebato iri vapinda mudzimwe mhemberero dzaitirwa mune mamwe matunhu.
Zvichakadai pamboita mvongamvonga apo vamwe vanhu vange vasiri pahurongwa hwekutaura vakaita sevadzidzi veZimbabwe National Students Unions vashandisa chisimba kuti vapihwe mukana wekutaura.
Zuva revashandi rinocherechedzwa pasi rese musi wa1 Chivabvu gore rega rega.

Facebook Forum