Zimbabwe mangwana iri kubatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva rekusungunuka kwevatori venhau kuita basa ravo kana kuti World Press Freedom Day.
Asi pachitariswa mitemo yadzikwa nehurumende uye ashandiro evatori venhau panganzi vari kushanda vakasungunuka here sezviri kutaurwa nehurumende?
Vachitaura pangugano rekuzeya mhemberero dzemangwana range rakarongwa neMISA- Zimbabwe, nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaShakespear Hamauswa veTripple CCC vanomirira Warren Park vati paramende nehurumende vakavandudza mitemo yekutapwa kwenhau.
Izvi zvatsinhirwawo nemukuru weZimbabwe Media Commission, VaGodwin Phiri.
Asi vatori venhau vakaita saLucky Aaron anoshanda nekambani yeBus Stop TV vati vatori venhau vachiri kumbunyikidzwa.
Mukuru wesangano reGender and Media Connect, Muzvare Patience Zirima vatiwo kunyangwe madzimai akawanda ave kutorawo zvigaro zvepamusoro mukutorwa kwenhau, nyaya yekushungurudzwa kwavo ichiri kuvanetsa.
Izvi zvatsinhira nemutori wenhau wechidiki zvakare ari nhengo yeYoung Journalists Association of Zimbabwe, Ruvimbo Muchenje
Vanoona nezvekushambadzwa kwezvirongwa musangano reMedia Institute of Southern Africa, Zimbabwe, VaMalvern Mukudu, vatiwo mamwe matambudziko ari kusangano nevatori venhau kudzingwa pazvirongwa zvemapato ezvematongerwo enyika kana hurumende nekuda kwekuti vanoshandira kambani ipi.
VaHamauswa vatiwo kunyange hazvo pakave nekuvandudzwa pane mimwewo mitemo yakaita seCyber Crime and Protection Act yave kushandiswa kumbunyikidza vatori venhau.
Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner, Paul Nyathi, vavimbisa kuti mapurisa achashanda zvanakanaka nevatori venhanu vachiti patove nehurongwa hwePolice Media Action Plan.
Mukuru weMISA- Zimbabwe Doctor Tabani Moyo, vakurudzira vatori venhau kuti vazvichengetedze nekutevedza mhiko yebasa ravo kana kuti Ethics pachirungu.
Izvi zvatsigirwa neimwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaTendai Nyabani, veZanu PF vachimirira Rushinga muparamende .
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vati hurumende iri kuyedza napose painogona kutyi vatori venhau vashande vakasungunuka.
Gore rapera sangano rinoongorora nyaya dzezvemashandiro evatori venhau reReporters Without Borders rakati Zimbabwe yainge iri pachidanho chezana nemakumi matatu nenomwe panyika zana nemakumi mashanu nenomwe dzakaongororwa (I58).
Facebook Forum