Mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, vabatwa nemhosva yekunzi vakavhiringidza mafambisirwo enyaya dzemumatare panyaya yekupambwa nekuzopondwa kwenhengo yebato ravo reCitizens Coalition for Change, Muzvare Moreblessing Ali.
VaSikhala vanzi vabhadhare faindi asi havasi kuzobuda mujeri iyezvino sezvo vachine dzimwe nyaya dziri mumatare.
Vachitura mutongo wavo, mutongi wedare ramejasitiriti, Amai Marehwanazvo Gofa, vati VaSikhala vakavhiringidza mapurisa kuita basa rawo pavanonzi vakaburitsa vhidhiyo vachiti Muzvare Moreblessing Ali vakanga vapambwa nenhengo dzeZanu PF kunyange hazvo pakazobatwa VaPius Jamba Mukandi avo vanofungidzirwa kuti inhengo yeZanu PF avo vakatobvuma mhosva iyi mumatare.
Amai Gofa vati izvi zvakakonzera kuti mapurisa atambise nguva achitsvaga vanhu vasirivo vakapara mhosva yekupamba nekuponda Muzvare Ali.
Mutongi wedare ati mushure mekutarisa kuti VaSikhala vave nemwedzi gumi neumwe vari mujeri aona zvakakodzera kuti vabhadhare faindi yemadhora mazana matanhatu kana kuti vogara mujeri kwemwedzi mitanhatu.
Vachikumbira dare kuti varerutsirwe pamutongo mushure mekubatwa nemhosva, VaSikhala pachavo vaudza dare vari kuti vari kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika vakati havasi kurwadziwa kuti vakatora danho rekumirira mhuri yemufi vachiti munyika mune hudzvanyiriri hwakakomba.
Rimwe remagweta aVaSikhala, VaHarrison Nkomo, vatenda kuti izvi ndizvo zvaitika mudare. VaNkomo vati vachakwidza nyaya iyi kudare repamusoro.
Mutevedzeri wemutauriri weCCC, VaOstallos Siziba vati havasi kufara nekubatwa kwaita VaSikhala nemhosva.
Asi vanokokera nhengo dzeZanu PF mudare reparamende, VaPupurai Togarepi, vanoti matare anoshanda akazvimirira.
VaSikhala havasi kuzobuda mujeri kunyange vanzi vabhadhare faindi nhasi sezvo vachine dzimwe nyaya dziri mumatare. Vari kupomerwa mhosva yekunzi vakakurudzira veruzhinji kuita zvemhirizhonga mushure mekupambwa kwaMuzvare Ali.
Vari kupomerwawo imwe mhosva yekunzi vakakurudzirawo veruzhinji kuratidzira zvine mhirizhonga muna 2020 vachitsigira kuratidzira kwakanga kwashevedzerwa nesangano reJuly 31st Movement rinotungamirwa naVaJacob Ngarivhume avo vakatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu mushure mekubatwa nemhosva imwecheteyo.
Facebook Forum