Vechidiki vakawanda munyika vanoti vari kutambura zvikuru, zvichikonzerwa nekusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika. Vanoti mukutambura imomo, havasi kuona chiedza mberi, kana hutungamiri hwenyika hukaramba hwakati gotsi papata.
Mutungamiri webato re Front for Economic Emancipation in Zimbabwe, uye vaimbove mumwe wevatungamiri wevechidiki muZanu PF, VaGodfrey Tsenengamu, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika izvo zviri kupa kuti vechidiki vakawanda, vatambure. Vati, “Hupenyu hwevechidiki vemuZimbabwe hunenge bhasikiti raTizirai; uku rinorukwa, uku rinorudunuka.
Vaenderera mberi vachiti, “Vechidiki vazhinji vari kudya nhoko dzezvironda. Vazhinji havashandi nokuti hakuna mabasa, kuchitiwo vanoenda kuzvikoro vari kutadza kubhadhara mari dzinodiwa. Vanoitawo zvemitambo havana chinobatika chavainacho. Vazhinji vagere mudzimba dzevabereki nokuti havasi kukwanisa kuzvichengeta pachavo. Panobuda zuva, vechidiki vanenge vakamira pamikova yemakambani anobhejesa, vachiti zvimwe vakabheja vangawana chouviri.”
Vechidiki vakawanda vanoti vanongonzwa sengano, kuti nyika ino yaimboyerera huchi nemukaka, sezvo ivo vari kukura vachinonga svosve nemuromo.
Kunyange varipo vashoma vanoti mamiriro ezvinhu anotendera kubudirira kwevechidiki, mhomho iri kuti iri kuyaura nenhamo.
Wechidiki, uye ari murimi munzvimbo yeChegutu, Muzvare Rumbidzai Matonga, vanoti mazuvano kuenda kuzvikoro zvedzidzo yepamusoro-soro netarisiro yekuzowana basa riri nani, kupedza nguva.
Muzvare Matonga vati, “Izvozvi graduate riri kutambira US$200, apa anenge achida mari yemuchovha, yekudya, yekubhadhara rent, inokwana here? Saka wechidiki achaita makore mangani kuti akwanise kuwunganidza mari yekuvaka imba kana achitambira mari yakadai? Ndosaka tiri kuona vamwe vave kupindana nekuba, senzira yekuti zvinhu zvibatane.”
Muzvare Matonga vatiwo, “Vaya vakapedza maForm 4 vakatanga kungwavha-ngwavha, vari nani kudarika vakaenda kuUniversity nekuti vakakurumidza kuzvitsvagira mari mumaStreets. Vana baba vedu ndivo havo vakakwanisa kuitawo zvisvinu nehupenyu hwavo sezvo economy yaishanda zvakanaka.”
Mumwewo wechidiki, uye achishanda nesangano reHeal Zimbabwe Trust, VaTapiwanashe Chiriga, vanoti havaoni remangwana revechidiki rakajeka. VaChiriga vanoti, “Vashoma vechidiki vari kukwanisa kuisa mari parutivi yekuti vakwanisewo kuzoita mabhizimusi, kana kuti izovabatsira kana vakura.” Vaenderera mberi vachiti, “ Vazhinji vari kungorarama kuti hupenyu hwavo hurambe huchienda mberi chete, asi pasina kugadzirira remangwana rakajeka. Mikana kune vechidiki mishoma zvakanyanya.”
Asi mukuru wesangano revechidiki, reYouth Vibes Afrika Consultancy muZimbabwe, Muzvare Ruvarashe Miti, vanoti remangwana revechidiki rakajekesa. Vati, “Tichitarisa kuti vechidiki vari kuona kuti vanofanira kunge vari pamberi muhutungamiri, vachifambidzana nevechikuru, tiri kuona kuti remangwana ravo rakanaka.” Vaenderera mberi vachiti, “Chasara ndechekuti tikwanise kudzidza kubva kuvakuru ava kuti zvinofambiswa sei, mungava munyaya dzezvicherwa kana zvimwe zviwanikwa zviri munyika.”
Vakafanobata chigaro chemutauriri wevechidiki mu Citizens Coalition for Change, VaStephen Tshuma, vanoti pakasaita shanduko munguva pfupi inotevera, kumberi kune rima uko. VaTshuma vati, “Zviripachena kuti tikaramba tiine hurumende yatinayo iyi; isina hanya nevanhu, isina hanya yekusunga mbavha, isina hanya nekuti vechidiki vawanawo chouviri, vazhinji vacho vanosvika mukufa vasina kumbobatawo payslip.” Vatiwo, “ Vechidiki vane mukana, mumwedzi mishoma iri kutevera, yekuti vavhotere hurumende ichaita kuti vasamuke vakagara pamaBridge.”
Hatina kukwanisa kubata vanotungamira vechidiki muZanu PF sezvo vanga vasati vapindura mibvunzo yatumirwa neStudio 7 pataenda pamhepo.
Asi gurukota rinoona nezvevashandi nekugara zvakanaka kwevanhu, Muzvinafundo Paul Mavima, vanoti mikana isarura ude munyika, naizvozvo vechidiki vanofanira kusagarira maoko.
VaMavima vati,“Vechidiki vanofanira kuziva kuti vari munguva yenhangemutange, zvekuti avo vachatora mikana vachabudirira zvakanyanya.” Vatizve, “Mabasa ari kuwanika, ari kugadzirwa nehurumende kungave kuzvicherwa, mukurima uye mune zvekushanyirwa kwenyika, uye vechidiki vari kupinda umu vachiita mari. Asi kune vamwe vanoda kumirira kupiwa basa nemumwe munhu- ava vachazvidemba. Saka tariro iripo, ihombe, inoda vanotevera gwara remutungamiri wenyika rekuvaka nyika yedu dombo pamusoro pedombo.”
Nyanzvi inowongorora nyaya dzematongerwo enyika, uye vari mukuru wetsvakurudzo musangano reZimbabwe Democracy Institute, VaBekezela Gumbo, vanoti vechidiki vanofanira kuziva kuti remangwana riri mumaoko .
VaGumbo vati, “Kuti pave neshaduko, panoda kuti vechidiki vazive kuziva kuti zvematongerwo enyika zvinombofamba sei.” Vatiwo, “ Kana vakawana dzidziso iyi kubva kubazi rinoona nezvevechidiki pamwechete nekumapato ezvematongerwo enyika, vachavhurika pfungwa, vokwanisawo kuita kuti hurumende inenge iripo ivawanise mabasa. Nekuwanda kwakaita vechidiki, hurumende inenge isingakwanisi kuvapa mabasa vanenge vave kukwanisa kuibvisa.”
Dzimwe nyanzvi dzinoongorora nyaya dzevechidiki dzinoti hurumende yaita kuti vechidiki vaite marombe ekupedzisira, anokumbira fodya, moto nebepa, vasingakwanisi kuzviitirawo kana chii zvacho.
Facebook Forum