Vamwe varimi vanoti vari kurasikirwa negoho ravo nekuda kwekunonoka kubvisa zvirimwa zvavo muminda.
Varimi ava vanoti kunonoka kubvisa zvirimwa zvakaita sechibage muminda kana chaoma kuri kukonzerwa nekushaya mari yekubhadhara vanokohwa, uye vanoti kunonoka kukohwa uku kuri kukwezva mbavha idzo dzave kuba chibage chavo, uye kunokokawo mbeva pamwe nemuchenje.
Varimi vanenge vakaisa zvirimwa mundimo huru vaine mhuri shoma vanoti vari kuita dambudziko rekuti vanotora nguva yakakura kupedza kukohwa zvirimwa zvavo zvose.
Imwe mhuri iri kushingaira kupedza kukohwa ndeye kwaChivende kuMakonde mudunhu reMashonaland West.
VaAleck Chivende vanoti vanoona vachirasikirwa nechibage chavo chingangosvika kuzvikamu gumi nechidimu kubva muzana, kana kuti 15 percent, chichibiwa pamwe nekudyiwa nemujuru sezvo chibage chavo chaomesa zvekuti chakawanda chave kudonha chega pasi.
VaChivende vanoti kunonoka kukohwa kunokwezva mbavha idzo dzarura nekuba chibage.
Izvi zvinotsigirwa nemumwe murimi wekuBanket, VaRemigio Kusemamuriwo, avo vanoti mabhanga anovapa mari dzezvikwanisiro anofanirwa kuvapawo nemari dzekukohwesa, kwete kungopa varimi vemapurazi makuru chete kana kuti maA2 farmers.
Mambo Katizagombo vekwaZvimba vanoti nguva yakare vanhu vaiyamurana mabasa emuminda kuburikidza nekuita nhimbe.
Nhimbe ruyamuro rwaipihwa munhu nevavakidzani vake munzvimbo maagere achibatsirwa kukohwa kana kupura zviyo, mhunga nezvimwe zvirimwa zvinenge zvamukunda ari ega nemhuri yake.
Munhu aibika doro nemahuwe uye kupa vanhu ava zvekudya apo vanenge vachishanda.
Mambo Katizagombo vanoti mazuva ano yangove njakenjake izvo zviri kusiya dzimwe mhuri dzichirasikirwa nezvadzinenge dzarima.
Mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi, reZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakariya, vanoti dambudziko rekurasikirwa nezvirimwa zvichiri mumunda idambudziko rinonetsa varimi vadiki makore ose.
VaZakariya vanoti varimi vanofanirwa kupihwa mari dzekukohwesa nevanovapa zvikwanisiro zvekurimisa.
Nyanzvi munyaya dzezvekurima vachishanda nebazi rezvekurima, Doctor Mavis Kafiraruware, vanoti varimi vanofanirwa kuchengetedza goho ravo kuburikidza nekukurumidza kukohwa kuitira kuti zvirimwa zvavo zvisapiswe nezuva zvakanyanya kana kudyiwa nemombe sezvo vamwe vanhu vasingatevedzere mutemo wekuchengetedza mombe nguva ino.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti pane huwandu hwenyaya dzekubiwa kwezvirimwa muminda asi vanoti vanga vasati vave nehuwandu hwacho.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvekurima dzinokurudzira varimi kuti vakohwe zvakanaka vachipisa mashanga nezvimwe senzira yekuuraya twumbuyu twunokonzera zvirwere kuti zvisapinde mune mumwe mwaka.
Facebook Forum