Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vadzoka kumusha nhasi kubva kuBritain pahurongwa hwekugadzwa kwaMambo Charles weChitatu nezuro. Asi sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga, hapana kutenderena munyika kuti vakadzimba here kana kuti vakadzoka nenhava izere mhepo.
Vachitaura nevatori venhau paRobert Mugabe International Airport, VaMnagagwa vati vakasangana nevamwe vakuru muhurumende yeBritain vakati vakaona sekuti pane pfungwa yekuda kushanda pamwe chete neZimbabwe. Vatiwo panyaya yeCommonwealth pari kuratidza kuti pane chiyedza.
Asi vachinyora padandemutande ravo reTwitter, Amai Patricia Scotland munyori mukuru wegungano reCommonwealth vanoti vakataura nyaya dzakasiyana siyana kusanganisira kuda kweZimbabwe kudzoka kuva nhengo yegungano iri asi vakati vakasimbaradza nyaya yekuti Zimbabwe itevedzere zviga zveCommonwealth isati yat inoda kuva nhengo zvekare.
Vanorwira kodzero dzevanhu vanoti kugariswa mujeri kwemumiriri weZengeza West VaJob Sikhala nemutungamiri weTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume munongedzo wekuti Zimbawe haisi kuvhunura.
Kunyangwe VaMnangagwa vakaita musangano nevavaive mutungamiri wenyika yeBritain VaTony Blair kumuchete wemusangano uyu, vamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica kusangananisira VaHakainde Hichilema vekuZambia, VaPaul Kagame vekuRwanda nevamwe vakawana mukana wekusangana nemutungamiri wehurumende yeBritain VaRishi Sunak.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaFreddy Mutenheri vanoti zviri pachena kuti Zimbabwe ichiine mutoro kuti ikwanise kutanga kudyidzana nedzimwe nyika sezvo ichipomerwa mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu.
Facebook Forum