Accessibility links

Breaking News

IMF Yokurudzira Hurumende Kuti Imbomira Zvekushandisa Mari yeMaDigital Gold Tokens


John Mangudya, head of the Reserve Bank of Zimbabwe, told reporters in Harare on July 25, 2022, the coins are designed to reduce demand for U.S. dollars in the country.
John Mangudya, head of the Reserve Bank of Zimbabwe, told reporters in Harare on July 25, 2022, the coins are designed to reduce demand for U.S. dollars in the country.

Bhanga guru rinokweretesa mari reIMF riri kukurudzira Zimbabwe kuti iregedze kushandisa mari ine chibatiso chegoridhe kana kuti gigital gold tokens yakaparurwa nemusi weMuvhuro. Mari iyi iri kutengeswa kutangira pamadhora gumi ekuAmerica kuvanhuwo zvavo asi zviuru mazana mashanu kana kuti US5,000 kune vemakambani.

Mumashoko kubepanhau reDail Maverick, IMF yakati zviri nani kuti Zimbabwe iregedze musika wemari uchishanda pasina kupindira kweRBZ zvinozodzikamisa mari.

Bhanga iri rati pane matambudziko akawanda pamutemo nekusajeka kwemutemo kunogona kupa kuti vanhu varasikirwe nemari dzavo.

Asi mumashoko kuvatori venhau gavhuna weRBZ VaGodwin Mangudya vakati mari iyi ichashanda kudzikamisa dhora remunyika riri kuramba richishaya simba zvakanyanya.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvare Chenai Mutambasere vaudza Studio 7 kuti hurumende haina kutanga yagara pasi nevanhu uye zviri kuitwa hazvisi pamutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG