Apo zvirwere zvepfungwa zviri kukonzerwa nekushandisa zvinodhaka kunyanyaya zviri kuwedzera uye chirwere checholera choramba chichipararira munyika, vakoti vanoti havana mishonga yekurapa varwere uye mari dzavari kutambiriswa hadzikwane.
Vakoti vakataura nekomiti yeparamende inoona nezvehutano kuParirenyatwa Group of Hospitals nezuro vakati zviri nani kuti vabvumidzwe kushandira hurumende kwemakore mashoma vosungunurwa pajoki ravanoti rehunhapwa ravakasungirirwa.
Mubati wehomwe muZimbabwe Nurses Association VaAllan Nyamupinga vakati zviri nani kuti vabvumidzwe kunotsvaga mafuro manyoro.
Sachigaro weZimbabwe Nurses Association mudunhu reHarare VaLucas Sharara vanoti chiri kuvaodza moyo imari yavari kutambiriswa.
World Health Organization yakakurudzira nyika dzakabudirira kuti dzisatore vakoti, vanachiremba kubva kunyika dzakaita seZimbabwe sezvo dzisina vashandi vakakwana. Vashandi vemuzvipatara vakawanda vari kubva muZimbabwe vachienda kunyika dzemuSADC, America, Australia, Britain nedzimwe.
VaSharare vati vakoti vari kuchema chemawo kuti kunyangwe vamwe vasvitsa makore anovasungunura muchibvumirano chekushandira hurumende vari kunyimwa magwaro avo kuti vakwanise kuenda unotsvaga basa kwavanobhadharwa zviri nani.
Vakoti vanoshanda nevanenge vorwara nepfungwa vari kutiwo hupenyu hwavo hwave munjodzi nekuda kwekushaikwa kwemishonga sezvo vamwe varwere vanenge voita zvemhirizhonga. Dambudziko rezvirwere zvepfungwa rinonzi riri kukonzerwa nekushandisa zvinodhaka. VaSharare vatenda kuti dambudziko rekushaya mushonga rakomba.
Asi vachitaura neStudio 7, mutauriri mubazi rezvehutano VaDnald Mujiri vati mishonga nezvekushandisa zvirimo muzvipatara.
Asi panyaya dzekuti vashandi havasi kupihwa nenguva pagwaro ekuti vasungunurwe kubva kushandira bazi rezvehutano nenyaya dzemihoro, VaMujiri vati tivabate mangwana.
Mumwe mukoti Pamela Mukudu ati anoshanda kuchipatara cheMbuya Nehanda chinova bandiko reParirenyatwa Group of Hospitals kunobatsirwa madzimai akazvitakura ati hurumende inofanirwa kuvaka mamwe makamuri kana zvipatara nekuti varapwa vawandisa.
Sachigaro wekomiti inoona nezvehutano Doctor Ruth Labode vati varikuita misangano iyi nevakoti nyika yese mushure mekutambira tsamba yenyunyuto kubva kuZimbabwe Nurses Association (ZINA) vachitivari kuzvionera pamhuno sefodya kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.
Bazi rezvehutano iro rinobatsirwa zvakanyanya nenyika dzakaita seAmerica, Japan nedzimwe rinoti mari yarinopihwa mubhajeti renyika ishoma.
Mugore rino, bazi iri rakapihwa zvikamu gumi nechimwe kubva muzana kana kuti 11%, chinova chikamu chiri pasi pechinokurudzirwa kunyika dzemuAfrica pachibvumirano cheAbuja Declaration chinoti mapazi ezvehutano awana zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana kana kuti 15% zvebhajeti.
Facebook Forum