VaJonathan Banda, maneja wemuimbi ane mukurumbira zvakanyanya munyika Winky D uyo akawana mubairo weBest African Dancehall Entertainer kuJamaica vari kutenda zvikuru vatsigiri vake kana kuti ma”Gafa” nekuramba vakamutsigira. VaBanda vaudza Studio 7 kuti, “Ndinoda kutenda ruzhinji rweZimbawe, ndinotanga nekuti chara chimwe hachitswanye inda."
Vaenderera mberi vachiti. " Mhemberero dzemukombe uyu dzinovepo kuburikidza nerutsigiro rwunowana muimbi kubva kune vanhu veZimbawe vari pasi rose. Saka tinoramba tichisvitsa nhendo kuruzhunji rwose, ndokusaka vakuru vakati simba rehove rwuri mumvura. Muvanhu ndimo mune simba….kupakura kunoita Winky D mumanzi kuturika, ikozvino maGafa oturununa nemhemberero dzemikombe yakadai.”
Winky D aikwikwidzana nedzimwe shasha dzekuimba muAfrica dzinosanganisira Patoranking, Shatta Wale, Stonebwoy naStar Zee mumakwikwi anoremekedzwa zvikuru pasi rose anonzi International Reggae and World Music Awards kana kuti IRAWMA.
Muna Ndira, Winky D akawana mumwe mubairo weAll Africa Music Awards kana kuti AFRIMA.
Vamwe vakapihwa mubairo vanosanganisira mushakabvu Peter Tosh nekushanda kwaakaita kuti mbanje ishandiswe zviri pamutemo pasi rose semushonga unorapa.
Dzimwe shasha dzekuimba dzakapihwa mibayiro dzinosanganisira Marcia Griffiths, Freddy McGregor, Beres Hammond, Bounty Killer nevamwe. Aive shasha yekumhanya kumaOlympics Usain Bolt akapihwawo mubairo wekubatsira vanoshupika.
Kunyangwe Winky D ari kuwana mibayiro mikuru pasi rose achipa Zimbabwe, mukururumbira, munyika vanorwira kodzero dzevanhu vari kuchema chema nekushungurudzwa kwaari kuitwa nemapurisa.
Mumavhiki adarika, akaudza vatsigiri vake kuBulawayo kuti ainge orambidzwa kuimba kambo kake kane mukururumbira zvikuru kanonzi “Ibotso”. Muimbi uyu akamborambidzwa zvakare kuimba kuBorrowdale Race Course nekuChitungwiza nemapurisa.
Facebook Forum