Madzimai anorarama nehurema anoti achiri kusangana nematambudziko akasiyana siyana, anosanganisira kutorwa sevanhu vasina maturo munyaya dzezvematongerwo enyika.
Vachitaura nhasi muHarare kumusangano wakokerwa nemadzimai anorarama nehurema hwakasiyana siyana, mukuru wesangano re Deaf Women Included, Amai Agness Chindimba, vati kodzero dzemadzimai aya dziri kutyora sezvo ari kutarisirwa pasi munyaya dzezvematongerwo enyika nekuda kwekuti vane hurema.
Amai Chindimba, avo vasinganyatsogona kutaurazvinonzwika, vawedzerawo vachiti nyaya yemhirizhonga ine chekuita nesarudzo inokonzerawo kuti madzimai anorarama nehurema akawanda asada kuita zvematongerwo enyika.
Amai Faith Mpofu, avo vanogara kuBindura uye havaoni, vati kunyangwe hazvo vaidawo kukwikwidza sakanzura musarudzo dzakatarisirwa gore rino, vakasiyana nazvo mushure mekurangaridzwa zvehurema hwavo.
Izvi zvatsigirwawo naMuzvare Tarisai Mashanga, munwe mugari wekuBindura zvakare, uyo akasangana netsaona yekudonha ndokuvhunika bhonzo rekumusana zvakazoita kuti asakwanise kufamba. Mashanga atiwo achiri kusangana nedambudziko remafambiro.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuhurumende sezvo tatadza kubata gurukota rinoona nezvevashandi nekugara zvakanaka kwevanhu, Muzvinafundo Paul Mavima pamwe nemunyori mubazi iri.
Tatadzawo kubata gurukota rinoona nezvemadzimai munyika, Amai Sithembiso Nyoni.
Asi vanomirira vakaremara mudare reseneti, Muzvare Nasper Manyau, vaudza Studio 7 kuti zvichiri kunetsa kuti madzimai ane hurema atambirwe munyaya dzezvematongerwo enyika.
Mumusangano uyu madzimai aya ati vanofanirwa kubatana voita chirwirangwe kurwisa kuti kodzero dzavo dziri kutyorwa dziremekedzwe.
Musangano uyu wanga wakanangana nekudzidzisa madzimai anorarama nehurema kuti angakwanisa sei kuzvimirira uye kurwira kodzero dzavo, uye wapindwa nemadzimai akawanda abva kumatunhu akasiyanasiyana emunyika.
Facebook Forum