Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voenda kuEgypt Kunotaura Nevari Kutadza Kubhadharwa Zvikwereti neZimbabwe Apo Hupfumi Hwananga kuMawere


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachinyora mubepanhau reSunday Mail nhasi vati vachaenda kuEgypt svondo rinouya kumusangano weAfrican Development Bank vakati vachatora mukana uyu kusangana nevakakweretwa neZimbabwe kuti vaonesana nezvekuti mari iyi ingabhadharwe sei.

Musangano unoitirwa kuSharma el-Shiek gore roga roga unotanga musi wa 22 opera musi wa26 mwedzi uno.

Zimbabwe iri kutatarika kubhadhara zvikwereti zvayo kunze nemunyika zvinodarika mabhiriyoni gumi nemanomwe nezviuru mazana mashanu kana kuti US$17, 5 billion

Asi zvinhu munyaya dzezvehupfumi zvaramba zvakaita manyama amire nerongo hurumende ichitatarika kugadzirisa hupfumi uho hunonzi nenyanzvi hwananga kumawere.

Svondo rino gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakavandudza mimwe mitemo yavanoti inogona kudzikamisa dhora remunyika riri kuramba richishaya simba zvapa kuti mitengo yezvinhu iite chamurambamhuru.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoti zvirongwa zviri kuitwa nehurumende hazvishande.

Vati zvakaitwa naVaNcube zvekuti vanhu vabvumidzwe kupinza chikafu munyika vasingabhadhare mitero zvinokanganisa vemabhizimisi zvichipa kuti vanhu vakawanda vashaye mabasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vakashaya mabasa zvinorevawo kuti vanenge vasingabhadhare mitero zvinopa kuti hurumende isakwanise kuita zvirongwa zvayo.

Asi munyori mukuru werimwe sangano revanotengesa mumigwagwa reZimbabwe Chamber of Informal Economy Associations VaWisborn Malaya vanoti hurumende yagona kuti vasabhadhare mitero pane zvekudya sezvo zvichapa kuti vakwanise kuraramisa mhuri dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG