Accessibility links

Breaking News

Kudzimwa kweMagetsi Kwopa Kuti Vagari vekuMasvingo Vashaye Mvura Uye Kutyira Cholera


Vamwe vagari vemuMasvingo vave kutya kutapurirwa chirwere checholera icho chapararira nyika yose sezvo vachiti kanzuru yavo iri kutadza kuvawanisa mvura yakachena.

Asi kanzuru iri kunakurira kambani yemagetsi mhosva ichiti haisi kukwanisa kuchenesa nekupomba mvura nekuda kwekudzimwa dzimwa kwemagetsi.

Vamwe vagari vanoti vave nesvondo rose vasina mvura zvinonzi nemumwe mugari Amai Sungano Zvarebwanashe zvinogona kupinza hutano hwavo munjodzi.

Izvi zvatsinhirwawo naVaCover Mugwadi vanomirira kodzero dzevakaremara. Vagari vakawanda vave kunochera mvura kuzvibhorani nemamwe matsime asina mvura yakachena izvo zvinogona kukonzera kupararira kwecholera.

Sachigaro wesangano rinomiririra vagari muMasvingo, VaThomas Mbetu vati havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu.

Meya weguta reMasvingo VaCollen Maboke, vati vakagara pasi nekambani yeZesa nezuro vakawiririrana kuti isadzime magetsi kunzvimbo inocheneswa mvura kutanga nhasi.

Vatiwo vari kuita tsvakiridzo yekuona kuti havangashandise here simba remageti kana kuti solar kuchenesa mvura.

Mutauriri wekambani yeZESA VaGeorge Manyaya, vati havakwanisi kutipa divi ravo panyaya iyi vachiti vanoda kutanga vataura nevashandi vekambani yavo vekuMasvingo kuti vanzwe kuti chii chiri kutora nzvimbo.

Zvichakadaro mumashoko akabudiswa nebazi rezvehutano, vanhu makumi mashanu nevatanhatu, 56 vanofungirwa kuti vakabatwa nechirwere cheCholera nezuro izvi zvasvitsa huwandu hwevabatwa nedenda iri munyika yese pachiuru negumi nevanonwe kana kuti 1 017.

Pane vakabatwa ava pane gumi vari mumusha weGlenview, gumi nevashanu kuBudiriro, vatanhatu kuDzivarasekwa nevaviri kuWaterfalls muguta guru reHarare. Vaviri vakabatwa kuChipinge, gumi nemumwe kwaMutare mumwe chete kuMudzi pamwe nevapfumbamwe kuChimanimani.


Vanhu vatanhatu vakafa nechirwere ichi munyika kunyangwe huwandu uhu hunogona kunge hwakakura sezvo pachiri kuvhenekwa imwe mitumbi kuti yakafa nechirwere ichi here.

Mutauriri webazi rezveutano VaDonald Mujiri vari kutenda kuti nyika yakatarisana nedambudziko rekupararira kwechirwere ichi asi vakati vakagadzirira zvakakwana kurapa varwere muzvipatara.

Cholera inokonzerwa nekunwa mvura yakasviba kana kubata zvekudya nemaoko ane hutachiona. Vanhu vanokurudzirwa kugeza zvekudya nemvura yakachena uye kuifashaidza.

Vanenge vatanga kuita manyoka asingapere vanokuudzirwa kumhanya kuchipatara sezvo chirwere ichi chichiuraya chikanonokerwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG