Musangano wakokerwa nesangano, reMedia Insitute of Southern Africa-Zimbabwe muHarare nhasi, waburitsa pachena kuti kunyange hazvo vatori venhau vagadzirira kuburitsa mashoko pamusoro pesarudzo dziriko gore rino, nhepfenyuro yeZimbabwe Broadcaasting Corportion (ZBC) inoti haina zvikwanisiro zvekuti ikwanise kuita basa rayo nemazvo panguva yesarudzo idzi.
Mumwe mupepeti mukuru wekambani yeZimpapers, William Chikoto, audza musangano uyu kuti kambani yake yakagadzirira sarudzo idzi pane zvese, asi mukuru anoona nezvedivi remarhedhiyo kuZBC , Robson Mhandu, ati kunyange hazvo vari kugadzirira sarudzo idzi, havana zvikwanisiro zvekuti vakwanise kuita basa ravo nemazvo panguva yesarudzo.
‘’Dambudziko riri pazvinhu zvekushandisa, tinoda motkari mari nezvimwe zvakawanda kuti tikwanise kucover ma election’’
ZBC inosungirwa nemutemo kuti ipe mukana wakafanana kumapato ese ezvematongerwo enyika, uye Mhandu ati vakazvipira kuita izvi asi vanoda rutsigiro kubva kune veruzhinji, mapato ezvematongerwo enyika pamwe nehurumende.
Imwe nhengo yebhodhi resangano rinomirira vatori venhau vechidiki, reYoung Journalists Association of Zimbabwe, Leopold Munhende, ati zvisineyi nezviri kuitwa nevatapi venhau, anoona sekuti vatori venhau pachavo havasati vagadzirira.
‘’Mari dzavari kuhora hadzienderami nebasa riri pamberi’’
Asi nhengo yebhodhi reMISA-Zimbabwe, VaChris Chinaka, vati masangano anomirira vatapi venhau ari kuita gadziriro idzi kunyange hazvo vatori venhau vaine zvichemo.
‘’Tiri kuita ma workshop nenyaya dzekuchengetedzwa kwemavtori venhau tichishanda nemapurisa nemapato ezvematongerwo enyika. Tirikuti vatori venhau honai kuti panguva dzesarudzo munenge makatariswa nenyika yose.’’
Panyaya yekuti ZBC haina zvikanisiro, VaChinaka vati dai zvaibvira hurumende yabatsira kambani iyi nemari nekuti ndiyo kambani inomirira vanhu vese munyika.
‘’Vakaisa moyo yavo pazvichemo izvi, chichemo chinokwanisa kugadziriswa.’’
Izvi zvatsigirwa nenhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko zvakare vari mumiriri weparamende, VaShakespear Hamauswa, avo vatiwo hurumende pachayo haisati yagadzirira sarudzo idzi nekuti pachine mitemo inoomesera vatori venhau panguva yesarudzo.
‘’Electoral Amendment bhiri riri muparamende harisati rapedziswa. Paramende ichagara kuti tione kuti zvikamu zvinoomesera vatori venhau zvabviswa.’’
Asi vachitaurawo pamusangano uyu, mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaKindness Paradza, vati nyaya dzinonetsa vatori venhau pasarudzo dziri kugadziriswa nekuvandudzwa kuri kuitwa mutemo wesarudzo muparamende pari zvino.
‘’Iyoyo nyaya tiri kuigadzirisa mumutemo weElectoral Amendment Bill, kuti tizvibvise nekuti majournalists haasi maobservers. Saka toda kubvisa double accreditation.’’
Vatiwo vatori venhau vanofanira kusiyana nekatsika kekuenda pesepese nepavasina kukokwa vachiti havasi pamusoro pemutemo.
‘’Majournalists ngavarege kupinda pavasingabvumidzwe nekuti havasi pamusoro pemutemo.’’
Izvi zvatsigirwa nemutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, avo vati zvakakosha kuti vatori venhau vatevedze mutemo kana vachiita basa ravo.
"Tese tinoshandira vana veZimbabwe, majournlists muchiita basa renyu, mapurisa tichiita basa tikangoziva izvozvo zvese zvinofamba ‘’
Mumwe mukuru muZimbabwe Media Commission, VaAcademy Chinamhora, vati kunyange hazvo paine matambudziko akawanda akaita sekushaya zvikwanisiro, vanoona sekuti vatori venhau vakaita gadziriro yakanaka yekunyora pamusoro pesarudzo dzegore rino.
VaChinamhora vatiwo kubvira pakaitwa sarudzo dza2013 kusvika pari zvino pave nemarhediyo, materevhizheni nemapenhau epadandemutande akawanda zvekuti mapato ese achapinda musarudzo achawana mukana wekuzvishambadza kana kutaura nyaya dzawo.
Zimbabwe inotarisirwa kuita sarudzo dzemutungamiriri wenyika, paramende pamwe nemakanzuru muna Nyamavhuvhu, kunyange hazvo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasati vatara zuva resarudzo idzi.
Asi vamwe vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nemapato anopikisa vanoti mitemo yakaita seData Protection Act unombunyikidza mashandiro evatori venhau.
Facebook Forum