Hurumende kuburikidza nemunyori anoona nezvedunhu reHarare, VaTafadzwa Muguti, inonzi iri kukurudzira kuti paitwe ongororo pahurongwa hwaida kuitwa nekanzuru yeHarare hwekuda kutenga imwe software yekushandisa mumakombiyuta pakutara mitero nemamwe mabasa.
Software iyi, iyo inonzi “enterprise resource planning software,” inonzi yaida kutengwa kubva kuSouth Africa nemari inokosha mamiriyoni makumi mashanu nemanomwe emadhora ekuAmerica, kana kuti US$57 million.
Asi meya vekanzuru yeHarare, VaJacob Mafume, vaudza Studio 7 parunhare kuti kanzuru yavo yakatomisa hurongwa ihwohwo.
Rimwe sangano rinomirira vagari vemuguta reharare, reHarare Residents' Trust, rinoti kana dai kanzuru yakati yakaknzura hurongwa uhu, vagari vari kunyunyuta pamusoro penyaya iyi richiti vagari vanoda tsananguro izere.
Hatina kukwanisa kubata VaMuguti kuti tinzwe zvizhinji panyaya iyi, asi mukuru wesangano reHarare Residents' Trust, VaPrecious Shumba, vanoti kanzuru yeHarare inongoita zvainoda isingatauri nevagari, uye vanotiwo pane huwori hukuru mukanzuru pamusoro penyaya ye software iyi nedzimwe.
Facebook Forum