Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Vovimbisa Kuti Hurumende Yavo "Ichatora Matanho Ese Anodiwa" Kudzivirira Mutengi paNyaya yeMitengo


Mutungamiri we Nyika Va Emmerson Mnangagwa
Mutungamiri we Nyika Va Emmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, neSvondo vakati hurumende "ichatora matanho ese anodiwa" kuchengetedza mutengi uye kuona kuti mitengo yagadzikana munyika.

Vachinyora mugwaro ravo resvondo rega rega mubepanhau reSunday mail, VaMnangagwa vakati hurumende inoziva kuti kune mamwe mabhizimisi ari kuramba mari yemunyika, kushandisa zvisirizvo hurongwa hwekutengesa mari yekunze uye kuendesa zvinhu kumisika mitema.

Vakatiwo mari yekunze inodarika mabhiriyoni gumi nerimwe chete emadhora eku America, kana kuti US$11 Billion yakawanikwa gore rapfuura, imari isati yambowanikwa uye yakawanda zvikuru kudarika mari inowanikwa nenyika dzakawanda mudunhu riri kuchamhembe kwegwenga reSahara, kana kuti Sub-Sharan Africa, asi izvi hazvina kuita kuti dhora remunyika rigadzikane.

Hatina kukwanisa kunzwa kumutauriri wavamnangagwa, VaGeorge charamba, sezvo nharembozha yavo yanga isingadairwi.

Asi nyanzvi yezvehupfumi vari mukuru wekambani yeUnderhill Corporate Solutions, VaEddie Mahembe, vanoti havaoni hurongwa uhu huine pundutso nekuti hakasi kekutanga kuita hurongwa hwekudzikamisa mitengo nemari yemunyika, uye kutora matanho kuvanhu vanonzi vanoshanda nenzira dzinorwisana nemarongero ehurumende panyaya dzemari yekunze idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG