Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeCCC kuMasvingo Dzopomera Nhengo dzeSangano reFAZ Mhosva yeKuvhiringidza Musangano Wadzo kuBikita


VaJefreson Chitando vebato reCCC muMasvingo.
VaJefreson Chitando vebato reCCC muMasvingo.

Nhengo dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change(CCC) mudunhu reMasvingo dziri kupomera sangano rinoti rinoshanda rakazvimirira, reForever Associates of Zimbabwe, kana kuti FAZ, mhosva yekukanganiswa kuitwa
kwemusangano waro wekutsvagwa vamiriri musarudzo dzegore rino.

Musangano uyu wakaitirwa panzvimbo yezvitoro yeMukore, muWard 8, kuBikita kuMasvingo neSvondo.

Sangano reFAZ rinonzi nevamwe nderevasori uye rinotsigira pamwe nekushanda nebato rinotonga reZanu PF.

Izvi zvakaitika panguva iyo vamwe vagari vemumaruwa mudunhu reMasvingo vari kupomera vashandi vesangano rimwero mhosva yekufamba mumaraini mavo vachitora mazita evanhu vose vave nemakore makumi masere kana kudarika vakanyoresa kuvhota vachivatyisidzira kuti vavhotere bato rinotonga pasarudzo dziriko munaNyamavhuvhu wegore rino.

Nhengo dzeCCC kuMasvingo
Nhengo dzeCCC kuMasvingo

Nhengo dzeTriple C dzinoti vechidiki veFAZ vaitungamirirwa nevakuru wavo VaKumbirai Ziki naVaEdson Gotora, vakasvika pamusangano uyu vakabudisa
mishina yavo yekurekodha zvaiitika vachiti vabva kuFAZ uye vanotenderwa kupinda mumisangano yese.

Imwe nhengo yeTriple C yaiva pamusangano uyu, VaTaurai Mukore, vati nhengo
dzeFAZ dzakakumbirwa kuti dzibve pamusangano uyu asi dzakaramba dzikatanga
kuita mheremhere kusvika vazochinja pekuitira musangano wavo.

Nhengo yekomiti iri kutungamira kusarudzwa kwenhengo dzeCCC yaifambisa
basa pachirongwa ichi, VaJefreson Chitando, vatenda kuti sangano reFAZ
rakavavhiringira musangano wavo apo vaiita chirongwa chekupeta kusarudzwa kwenhengo dzichamirira bato ravo muzvinzvimbo zvekanzuru neparamende.

Mmwe wevakuru veFAZ vari kupomwerwa mhosva iyi, VaGotora, varamba kuti
vakakanganisa musangano uyu vachiti vaingovawo pazvitoro panova paiitirwa musangano uyu.

Vagari munzvimbo dzakaita seGutu, Bikita, Zaka neChiredzi vari kuti sangano reFAZ rakasarudza vashandi varo vatatu muwadhi yega yega avo vari kufamba mumaraini mavo vachitora mazita evanhu vose vakanyoresa kuvhota.

VaTalent Dizha vekuMasvingo
VaTalent Dizha vekuMasvingo

Vamwe vakaita saVaTalent Dizha vekwaBhasera kwaGutu, vanoti izvi zviri kutyora kodzero dzevagari vekumaruwa avo vanofanira kusarudza vatungamiri vavanoda pasina kumanikidzwa.

Vanoti vanhu ava vari kutyisidzira vechidiki pamwe nevabereki kuti vakavhotera mapato
anopikisa vachasangana nemhirizhinga yakasimba inodarika yakamboitika mugore ra2008, nekudaro vanofanira kuvhotera bato rinotonga.

Vakafana kubata chigaro chemutauriri weCCC mudunhu reMasvingo, VaDereck Charamba, vashoropodza izvi vachiti FAZ haifaniri kuvhiringidza zvirongwa zvavo pamwe nekutyikidizra vagari kumaruwa.

Hatina kukwanisa kuwana divi remutungamiriri weFAZ munyika, VaWalter
Tapfumaneyi, sezvo nharembozha yavo iri kunzi haichashandi.

Sachigaro webato reZanu PF mudunhu reMasvingo, VaRobson Mavhenyengwa,
vati havatauri pamusoro pezviitiko zvesangano reFAZ vachiti isangano rakazvimirira.

Sangano reFAZ ndiro rakatungamira sarudzo dzema primary dzekutsvaga vachamirira bato reZanu PF musarudzo dzegore rino.

Asi vakawanda mubato iri vanonzi havasi kufara nemabatirwo akaitwa basa nesangano iri, vachiripomera mhosva yekudzika vanhu muzvinzvimbo vachisiya vakasarudzwa nevanhu. Izvi zvinonzi nevamwe vanoongorora zvematongerwo enyika zvinogona kuita kuti bato riri kutonga iri risazovhoterwa zvine mutsindo mune dzimwe nzvimbo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG