MC - Bato riri kutonga reZanu PF rinoti harina mutemo wekushungurudza kana kurova vatori venhau uye vese vanoita izvi vanofanira kumhan’arirwa kumapurisa zvisineyi kuti ndevebato ripi.
Mashoko aya ataurwa nhasi nemunyori mukuru mubato iri, VaObert Mpofu, pamusangano wekuzeya kuti vatori venhau vangashande sei vakachengetetedzeka panguva yesarudzo wanga wakarongwa neMedia Alliance of Zimbabwe, Zimbabwe Union of Journalists, ZUJ neMedia Institute of Southern Africa-Zimbamwe, MISA-Zimbabwe.
Vachitaura pamusangano uyu, uyo waitirwa pamuzinda webato iri muHarare, VaMpofu vati bato ravo rinoda kuti vatapi venhau vaite basa ravo vakasunununguka, murunyararo uye vakati hazvina kunaka kuvhiringidza vatapi venhau.
Asi VaMpofu vabvuma kuti kune dzimwe nhengo dzebato ravo dzakavhiringidza vatori venhau vari pabasa uye vanhu ava vakatoyambirwa nemutungamiriri webato iri vari zvakare mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, sezvo risiri donzvo reZanu PF kuvhiringidza vatapi venhau.
Asi VaMpofu vakurudzirawo vatapi venhau kuti vaite basa ravo zvakajeka, vasina divi ravakarerekera, vachiti nyaya yekutora mativi ndiyo inoita kuti vavhiringidzwe dzimwe nguva.
Mumwe mukuru musangano reMISA Zimbabwe, VaCris Chinaka, vati nhaurirano neZanu PF dzafamba zvakanaka chose uye vakurudzira vemapato ezvematongerwo enyika kuti vakoshese mabasa evatapi venhau, uye kuti vaende kumasangano anomirira vatori venhau kana vaine zvichemo.
Mutevedzeri wasachigaro wesangano rinomirira vapepeti venhau, reZimbabwe National Editors Forum (ZINEF), zvakare vari mumupepeti vebenhau nhau reSunday Mail, Amai Victoria Ruzvidzo, vati vanovimba kuti musangano wanhasi uyu uchaita kuti vatori venhau nebato riri kutonga iri vashande zvakanaka.
Mumwe mutori wenhau apinda mumusangano wanhasi, Leopold Munhende, audza Studio 7 kuti anofara kuti hutungamiriri hweZanu PF hwavimbisa kuchengetedza vatapi venhau pamisangano yavo.
Vanoona nezvekufambiswa kwebasa muMedia Alliance of Zimbabwe, VaNigel Nyamutumbu, vati vaita chibvumirano chekuti vachaitawo basa ravo nemazvo uye itariro yavo kuti vatori venhau vachashanda vakachengetedzwa.
Mapato ezvematongerwo enyika kusanganisira Zanu PF, CCC neMDC pamwe nemapurisa ndivo vanonzi vange vari pamberi pakuvhiringa vatapi venhau nekuvarova, kuvatorera zvekushandisa zvavo kana kuvadzimisa mifananidzo yavanenge vatora vachiita basa ravo.
Izvi ndizvo zvinonzi zvaita kuti MAZ, ZUJ neMISA dzironge misangano nemapato ezvematongerwo enyika uye mukupera kwesvondo rino masangano aya achasanga nebato reCitizens Coalition for Change, CCC pamwe neMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora.
Masangano evatori venhau akatoita chisungo chekushanda zvanaka nemapurisa uye kubvira pakaitwa chisungo ichi hapana mutori wenhau ati avhiringidzwa nemapurisa.
Facebook Forum