Vamwe vari kupokana nemitemo mitsva pamusoro pemagwaro (certificates) kana ma permit anopiwa nehurumende achikwanisa kutengeseka akanangana nekuderedza kusvibiswa kwemweya wekufema, carbon dioxide, ma carbon credits, vachiti matanho akatorwa nehurumende haazi pamutemo uyewo nzira iyi yekuedza kurwisa kushanduka kwemamiriro ekunze hainyanyobatsira.
Svondo rapera hurumende yakazivisa kuti yave kuisa mutemo mutsva une chekuita nema carbon credits ayo anove magwaro kana
kuti ma financial instrument muChirungu, anotengeswa kana kutengwa mukati menguva yakatarwa mumabhanga kana munzvimbo dzakatarwa dzingave
dzehurumende kana dzaanamuzvunabhizimisi vakazvimirira.
Muchiziviso chayo hurumende yakati yaive yave kusendeka parutivi zvibvumirano zvange zviripo pakati pezvikwata zvakasiyana siyana kusanganisira makanzuru ekumaruwa nevemabhizimisi, ikati ichave nedura kana kuti National Registry kuchange kuchinyoreswa ma carbon credits ose.
VaFarai Maguwu vanove mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance vanotsanangura kuti kunyange hazvo ma carbon credits aya
achinzi ndeimwe nzira yekuderedza nayo kushanduka kwemamiriro ekunze, havaone achibatsira zvakanyanya.
“Nyika dzakabudirira nenhau yekuti pave nemutemo wekuti vaderedza huwandu hwema greenhouse gases avanoendesa muchadenga, vave
kubvumirwa kuti vatenge mvumo yekuramba vachiisa ma greehouse gases iwayo kuburikidza nekubhadhara mari kumakambani kana ma projects ari
munyika dzichiri kubudirira seZimbabwe. Saka hurumende iri kutiwo vari kuita bhizimisi iroro hamungadye mega.”
Mumashoko avo pamusangano wekuzivisa nezvemitemo mitsva iyi mazuva mashoma apfuura muHarare, gurukota rezvezviwanikwa nemamiriro ekunze,
VaMangaliso Ndlovu vakati nyika dzichiri kubudirira dzave nenguva dzichinetseka kuti dziwane mari yekudzivirira matambudziko anouya
nekuda kwekushanduka kwemamiriro ekunze, zvisineyi nekuti hadzizi idzo dzinoita zvakawanda zvinokonzera kushanduka uku.
VaNdlovu vakati hurumende yakaunza mitemo mitsva iyi senzira yekuti maitirwo ebhizimisi rekutengeserana ma carbon credits rive pachena, uyewo
zvigobatsira veruzhinji.
“Chinangwa chedu ndechekuti tive nehwaro hunobatsira kuvandudza kuti zvinhu zvive pachena, hwaro hunoita kuti pasave nehumenemene uye kuti
mari inowanikwa kubva mubhizimisi iri inoshanda ichibatsira vakafanira kuti vabatsirikane.”
VaValentine Maponga mutauriri wesangano reVeritas vanoti maonero esanagno ravo ndeekuti kukanzura zvibvumirano zvange zviripo kwakaitwa nehurumende kutyora mutemo.
“Veritas inoti makurukota haana masimba ekuti ati zvibvumirano zvinenge zvaitwa zvisina hurumende mukati hazvisisipo. Havana mvumo yekukanzura zvibvumirano zvinenge zvine hurumende mukati kunze kwekuti panenge pane divi rinenge ratadza kuita zvakatarwa muzvibvumirano zvakadaro.”
Hurumende yeZimbabwe yakatara kuti zviikamu makumi mashanu kubva muzana (50%) zvemari inobva kuchirongwa chine chekuita nemweya unofemwa nevanhu nemiti, che carbon-credit program chave kuenda kuhomwe yehurumende, zvikamu makumi maviri kubva muzana, (20 %) zvichienda kune vemunharaunda vanenge vakadyara mari dzavi muchirongwa ichi, kana kuti local investors.
Zvirongwa zvose zvinofanirwa kunge zvakanyoreswa kuhurumende, hurumende ichiti kusanyoreswa kwezvirongwa kwakaitwa kuti nyika irasikirwe nemari yakawanda ichibuda kunze.
Bepanhau reBloomberg New Energy Finance rinoti Zimbabwe iri pachinzvimbo chegumi nembiri pabhizimisi rema carbon credit mupasi rose.
Asi dzimwe nyanzvi dzinoti kusandura sandura mitemo kunogona kuita kuti vanoda kusima mari muno mubhizimisi iri vawore moyo.
Pari zvino Kariba Project ndicho chirongwa che carbon credit chikuru chiri kuitwa munyika uye chiri kutungamirwa neimwe yemakambani anozivikanwa pasi rose mubhizimisi iri, yeSouth Pole.
Zimbabwe iri kutarisirwa kuita musangano weAfrica Voluntary Carbon Markets Forum muna Chikunguru kuVictoria Falls uye nyika ine tarisiro yekutengesa magwaro ezvirongwa zve carbon credits izvi pamusika weVictoria Falls Stock Exchange kutanga muna Gunyana.
Vanhu vane mari dzavo vanotarisirwa kutenga magwaro aya senzira yekuchengetedza huremhu hwemari dzavo, sezvo ari kunzi achange achitengeswa nemadhora ekuAmerica chete.
Pasi rose zvinonzi homwe yekuchengetedza zvakatokomberedza ye carbon market ine mari inosvika mabhiriyoni maviri, iyo inopiwa kune vanenge vanyoresa kupinda muzvirongwa zvekuchengetedza zvakatikomberedza kuburikidza nekuchenesa mweya wekufema.
Munyika dzakabudirira, vanhu vane motokari dzinoburitsa hutsi hwakawanda vanobhadhariswa mutero, kuchitiwo vanoshandisa motokari dzinofamba nemagetsi vasina chavanobhadhariswa.
Facebook Forum