Accessibility links

Breaking News

Mambo Chundu, VaAbel Mbasera, Vopomerwa Mhosva yeKurova Vakambobata Chigaro cheHumambo, VaPicture Chundu, Vachirwira Hanzu dzeHumambo


VaPicture Chundu, avo vanoti vakarohwa naMambo Chundu, VaAbel Chundu neMachinda Avo
VaPicture Chundu, avo vanoti vakarohwa naMambo Chundu, VaAbel Chundu neMachinda Avo

Mambo Chundu, VaAbel Mbasera, vekuHurungwe mudunhu reMashonaland West, vangangosungwa zvichitevera kumhan'arirwa kumapurisa kwavakaitwa naVàPicture Chundu, avo vakambobata chigaro chaMambo Chundu.

VaPicture kana kuti Picky Chundu, avo vanozviti ndivo vachiri Màmbo Chundu akasarudzwa nemasvikiro edzinza ravo, vanoti vakarohwa zvakaipisisa naMambo Abel Mbasera nemachinda avo masvondo maviri adarika.

VaPicky Chundu vanoti vairohwa vachinzi vape Mambo Chundu midziyo yechivanhu yehumambo hwedzinza rekwa Chundu.

Vanoti vakatorerwa humambo hwavo naMambo Chundu muna 2012 vachishanda nevaimbove gurukuta rezvematunhu VaIgnatius Chombo pàmwe nevaimbove mudzviti wedunhu reHurungwe, VaHebert Chirawu.

Vànoti kusvika pari zvino nyayà yavakakwidza kudare guru kana kuti High Court muna 2013 vachipikisa kutorerwa hushe uku hàisati yànzwikwa.

Makakatanwa ehumambo pakati pevaviri ava akatanga muna 2012 apo VaMbasera vakagadzwa saMambo Chundu huchibva kubva kuna VaPicky Chundu, avo vanonzi vainge vakafanobata chigaro kubva muna 2008 pakashaya baba vavo, VaWilson Chundu, avo vaive ndivo mambo.

Asi pakazogadzwa mambo chaiye muna 2012, VaPicky Chundu vanonzi vakarambira midziyo yechivanhu inopiwa anenge ave mambo inosanganisira ndoro yehushe, tsvimbo, machira nezvimwe. Muna 2013 vakatombosungwa vachipomerwa mhosva yekuzviita mambo mushure mekunge vawanikwa nemapurisa vakapfeka hanzu dzehumambo.

Vakazomiswa pamberi pedare muKaroi vakawanikwa vaine mhosva nemutongi Amai Nyaradzo Ringisai, avo vakapa mutongo wekuti VaPicky Chundu vasvitse nhumbi dzehushe dzose kuna mudzviti weHurungwe, VaChirawu.

Izvi zvinonzi hazvina kuvafadza zvakaita kuti vazoendesa VaMbasera, avo vakanga vachangobva kugadzwa saMambo Chundu, vaive gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaChombo pamwe nevaive mutungamiri wenyika, mushakabvu VaVaRobert Mugabe, kudare repamusoro reHigh Court vachiti vainge vavatorera humambo hwavo zvisiri pamutemo.

Ndiyo nyaya yavari kuti haisati yapihwa mutongo kusvika nhasi.

Kunyange Mambo Chundu vakàgadzwa humambo vakapihwa hanzu dzehushe dzechirungu nehurumende muna 2012, midziyo yechivanhu inopihwa mambo nemasvikiro ekwaChundu yakàramba iina VaPicky Chundu.

Midziyo iyo ndiyo inonzi yakazotorwa nechisimba panonzi pakarohwa VaPicky Chundu. Zvinhu zvakatorwa zvehumambo hwedzinza rekwaChundu zvinosanganisira tsvimbo nechuma zvegoridhe, nyanga mbiri dzenzou, hari nemachira, izvo zvinopihwa nemasvikiro.

Asi Màmbo Chundu vanoti vàkangotora midziyo yehumambo hwedzinza rekwaChundu yavanofanirwa kunge vainayo chete.

Mambo Chundu vanoti VaPicky Chundu vari kungoda kunetsa panyaya yavanoziva kuti imba yavo yakagara humambo kuburikidza nababa vavo vakafa pavakazopinda, vachiti zvizhinji titaurirwe namudzviti weHurungwe, VaAndrew Tizora.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West, Inspector Margaret Chitove vànoti vachiri kuferefeta nyaya yekurohwa kwaVaPicky Chundu iyi.

Mudzviti wenzvimbo yeHurungwe ,VaTizora, vanoti vanogadza munhu humambo vachiwiriraña nemhuri dzehumambo sezvakaitika kwaChundu.

Izvi zvinotsigirwa nemukuru wemadzishe mudunhu reMashonaland West, VaPeter Pasipamire, vanozivikanwa saMambo Ngezi, avo vanoti vanogadza madzimambo vachitevedzera tsika yehushe hwenzvimbo.

Hatiñà kukwanisa kunzwa kumutevedzeri wegurukota rezvematunhu Amai Marian Chombo, kunyange vanga vativimbisa kutaura nesu nezvenyaya dzehumàmbo dziri kunetsa munyika. Asi vakamboudza zvavo Studio 7 nguva pfupi yapfuura kuti vanamudzviti vavo vanotevedzera hurongwa hwemhuri dzehushe, uho hunosiyana nzvimbo nenzvimbo.

Mumwe mugari wekuKaruru pasi paMambo Chundu, VaCleopas Ndemera, vanoti kunetsana kwemhuri dzehumambo kunokonzeresa matambudziko mudunhu pamwe nekuwirwa nenjodzi dzakafanana nekuurayiwa kwevanhu nemhuka zvisinganzwisisike pamwe nekusanaya zvakanaka kwemvura.

Zvinonzi mhuri yekwaChundu, iyo yakabva nekuZambia, hainà munhu anombofanobata matomu ehumambo kanà mambo anenge akagadzwa afa, vanongosarudza mambo achatevera pànenge pafa mambo ipapo.

Asi izvi zvinopikiswa naMambo Chinhu, VaAbel Mbasera, avo vanomira nerekuti VaPicture Chundu vakanga vakangofanobata matomu chete kwemakore mana kubva zvashaya baba vavo.

Mhuri dzakawanda munyika dzinonzi dzapesaniswa nemakakatanwa ekurwira humambo, vamwe vachitosvika pakubatirana mapfumo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG