Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaDavid Musabayana vaudza bepanhau reSunday Mail kuti pane zvizvarwa zveZimbabwe zviuru zvisere kana kuti 8,000 zvakati zvakazvipira kudzoka kumusha kubva kuSouth Africa.
Zimbabwe iri kushanda nebazi reUnited Nations rinoona nezvekufamba kwevanhu reInternational Organization for Migration kana kuti IOM.
Zvizvarwa izvi zvine magwaro ave kusvika kumagumo musi wa 30 Chikumi eZimbabwe Exemption Permits.
Kubva muna 2009, zvizvarwa zveZimbabwe zviuru zana nemakumi masere nemanomwe kana kuti 178 00 zvange zvichishandisa magwaro aya kugara muSouth Africa zviri pamutemo.
Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaLevit Mugejo vaudza Studio 7 kuti vanhu vari kuda kudzoka vachabatsirwa nezvekutakurwa kwezvinhu, magwaro ekufambisa, kutsvagirwa nzvimbo dzevana dzechikoro nezvimwe.
Mukuru werimwe sangano rinomirira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa vari gweta, VaGabriel Shumba vaudza Studio 7 kuti vamwe vane magwaro ave kusvika kumagumo vanofanira kutsvaga magwaro ekuti vambobvumidzwe kushanda kana kuti waiver vakamirira zvichabva kumatare uko vari kupikisa danho rehurumende yeSouth Africa rekuda kuvadzinga mwedzi unouya.
Facebook Forum