Mabharani mukuru wenyika vahenry machiri vaudza dare reparamende nhasi kuti chirongwa chekuenda pedyo nedzimba dzevanhu vachivatoresa magwaro ekuzvarwa kana kuti , nezvitupa kana kuti “mop up mobile registration” exercise icho chakaparurwa mwedzi wapera chiri kufamba zvakanaka kunyangwe vashandi vari kunyunyuta kuti havana kubhadharwa mari dzavakashandira gore rapera pane chimwe chirongwa chakadai.
Vachipa humbowo maererano nemafambiro ari kuita chirongwa ichi kukomiti inoona nezvekudzivirirwa kwenyika, VaMachiri vati chirongwa ichi chiri kuitirwa kupa mukana vanoda kuvhota musarudzo dzegore rino vasina kana kuti vakarasa zvitupa.
Vati vaida kutanga chirongwa ichi muna Kubvumbi asi izvi hazvina kuitika nekuti vakanonoka kupihwa mari nebazi rezvemari.
Vatiwo kunyange chirongwa ichiri kufamba zvakanaka vashandi mubazi ravo havana mufaro nekuti havasati vapihwwa mari dzavakashandisa paMobile Registration Blitz yavakaita gore rapera.
Vati kunyange vashandi vakabhadharwa mari yavo pari zvino mari iyi haichina simba sezvo dhora remunyika riri kuramba richishaya simba zvakanyanya.
Sachigaro werimwe sangano rinoongorora sarudzo reZimbabwe Election Support Network VaAndrew Makoni vaudza Studio 7 kuti chirongwa cheCivil Registry Department ichi chakakosha zvikuru munyaya dzesarudzo.
Vaenderera mberi vachiti chirongwa ichi chakakoshawo kune vanya vakarasa zvitupa zvavo.
VaMachiri vati pane zvikwata zana nemakumi masere nezvinomwe zviri kutenderera nyika yese kupa vanhu magwaro aya pachena.
Vati kusvika pari vapa magwaro ekuzvarwa anodarika chiuru zana kana kuti 103 992, zvitupa vanodarika zviuru makumi mapfumbamwe kana kuti 96 491 uye magwaro evafi kana kuti madeath certificates vanodarika zviuru zviviri kana kuti 2 762.
Vanhu zviuru mazana mana nemakumi mashanu kana kuti 450 000 vakatora zvitupa pakaitwa Mobile Registration Blitz kwemwedzi mitanhatu gore rapera.
Zvichakadai munyori mubazi rezvemukati menyika, VaGerald Gwinji vazivisa kuti mapurisa ari kugadzirira sarudzo uye vave kutoronga kuti vachashandisa sei zvikopo kopo zvakatengwa nehurumende kubvaRussia pakuchengetedza runyararo.
Vatiwo kunyange hazvo Public Service Commission yakapa Zimbabwe Republic Police mvumo yekupinza mapurisa mazana mashanu basa, ZRP inoda mamwe mapurisa zviuru zvitatu kuti ikwanise kuchengetedza runyararo panguva yesarudzo.
ZRP ine mapurisa anosvika zviuru makumi mana nezvishanu.
Sachigaro vekomiti yezvekudzivirirwa kwenyika, vari nhengo yeZanu-PF, Retired Brigadier-General Levi Maihlome vanomiririra Umzingwane vati VaGwinji nebazi ravo vanofanira kuona zvavangaiita kuti ZRP iwane mari yekuita basa rayo vachiti mhosva dzawanda munyika uye munzvimbo yavo munopondwa vanhu vatanhatu kana kudarika pasvondo.
Facebook Forum