Mutungamiriri webato rinopikisa, reCitizens Coalition for Change, CCC, VaNelson Chamisa, vari kukurudzira veruzhinji kuti vanotarisa mazita avo mugwaro revavhoti, Voters’ Roll, vachitiwo zuva resarudzo rinofanirwa kuchitaurwa kuti vanhu vakwanise kugadzirira nemazvo.
VaChamisa vataura izvi apo vaenda kwavakanyoresera kuzovhota vari, kuKuwadzana 2 Primary School, kunotarisa kuti zita ravo ririmo here mugwaro revavhoti.
"Munozviziva ka kuti mushoko kunonzi rakanyogwa rikadzimwa itsika yekuti kana anenge aita zvinhu zvinonyorwa zviinodzimwa kunyanyanya muno muZEC ine rumbo urworwo saka unogona kunge wakadzimwawo asi ndatenda kuti pandauya zita rangu richipo asi kune vasina kuuya rinogona kunge rakanyorwa rikadzimwa. Shoko rondopa kunyika nderekuti kune vadzimi huyai mutarise mazita enyu."
VaChamisa vatiwo tarisiro yavo ndeyekuti dambudziko revane mazita ari kushaikwa mugwaro revavhoti rigadziriswe kuitira kuti munhu wese avhote panozosvika nguva yesarudzo.
Mutungamiriri werimwe bato rinopikisa, reDemocratic Party, VaWurayayi Zembe, vati kunyangwe zvazvo vakawana zita ravo ririmo mugwaro revavhoti, havazivi kuti musi wesarudzo vachawana riripo here, vachishora kwavati kusabudiswa pachena kwegwaro rese revavhoti.
" Asi hazvina chivimbo chekuti musi wacho wekushara zita rinenge richimo here nekuti gwaro revavhoti ikezvino ririkuitwa chipakirwa harisi kupiwa vanhu."
Mutauriri webato reMDC, VaWitness Dube, vati vatsigiri vavo vari kunoongorora gwaro revavhoti vaine kunyunyuta.
"Ruzhinji rwavo varikutarira mazita havasi kuwana mufaro ikoko nekuti mazita mamwe aendeswa kunzvimbo dzavasati vakambovhotera zvinoita kuti tinge tichitaura zvakare kuyi ndonyaya yatange taendesa kumatare edzimhosva."
VaDube vati sebato vanoda kuti gwaro rekutarwa kwemiganhu rigadziriswe kusati kwambotaurwa zvekuti sarudzo dzinoitwa rinhi.
VaChamisa vatiwo pavanopinda pachigaro, hurumende yavo ichagadzirisawo nyaya yekuti vanhu vakwanise kuongorora gwaro revavhoti vachishandisa humhizha hwechizvinozvino.
"Zvinoda kuti tichifamba tive nehuchapupu hwekuti vanhu vanotarisa mazita pamadandemutande kwete zvekuzoita mudungwe izvi tichiuya panzvimbo. Zvakasara mushure asi tofunga zvichauya pahurumende itsva muna Nyamavhuvhu."
Vashorawo kwavati kusataurwa kwezuva richaitwa sarudzo vachiti zuva rinofanirwa kutaurwa kuti vanhu vaite gadziriro.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaive vakatarisirwa nezuro kuzivisa nezvezuva resarudzo sezvavakavimbisa kuBinga nemusi weMugovera. Asi izvi hazvina kuzoitika.
Hatina kukwanisa kubata mutaururi waVaMnangawa, VaGeorge Charamba, asi mune mamwe mapepanhau VaCharamba vangoti zuva iri richaziviswa munguva inotevera.
VaChamisa vanyunyutawo nezvesangano rakazvimirira reForever Associates Zimbabwe (FAZ), iro rinodyidzana nebato reZanu PF ravati riri kukanganisa mashandiro ekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission (ZEC)
Studio 7 yakundikana kunzwa divi reFAZ panyaya iyi, uyewo tatadza kubata sachigaro veZEC Amai Priscilla Chigumba kanawo mutevedzeri wavo VaRodney Kiwa pamwe nemukuru anoona nezvesarudzo mukomisheni iyi VaUtoile Silaigwana sezvo nharembozha dzavo dzanga dzisingadairwe.
Mune imwewo nyaya, VaZembe vaudza vatori venhau muHarare nhasi kuti vachazenge vachitsigira hutungamiriri hwaVaChamisa musarudzo dziri kutarisirwa munaNyamavhuvhu idzi.
Facebook Forum