Kushaya simba kwemari yemunyika uko kuri kuita kuti mitengo yezvinhu irambe ichikwira kwave kuramba kuchiwomesera veruzhinji sezvo vose vemabhizimisi kusanganisira vanoshanda zvisiri pamutemo, vave kuda kubhadharwa nemari yekuAmerica iyo isingawanikwe nyore nevakawanda.
Izvi zvave kusimudza gakava rekuti mari yemuno yombosendekwa parutivi here kana kuti kwete.
VaTanaka Shonhayi mudzidzisi ane mudzimai nevana vatatu kusanganisira mumwe akatanga zvidzidzo kuuniversity. Mari yavanotambira, inove zviuru zana nemakumi mashanu kana kuti madhora 150 000 emari yemuno nemazana maviri nemakumi mashanu yemadhora ekuAmerica yeallowance, hazvivakwanire pakurarama kwavo nemhuri yavo.
Vanoti vanoshandisa mari inopfuura mazana matanhatu emari yekuAmerica pamwedzi, vachiti hupenyu hwakavaomera zvekuti vanotopona nekuitawo zvimwe parutivi uye vanogara vari muzvikwereti.
“Ndinoenda kunohodha gas, ndinohodha ink kuti ndiite photo-copying kuedza kuita augment kamari kashoma kandinowana but hazvikwane. Kukwererta kwacho kuti wambopiwa nanhingi, ukawona kuti nguva yekuti umubhadhare yasvika usati wawana mari yacho, unototsvaga kwekukwereta futi kuti uvharidzire. Ndiwo mararamire acho.”
Amai Deon Moyo ndemumwe wevanhu vanotengesa mumigwagwa muBulawayo. Vanoti kushaya simba kwemari yemuno kwave kuita kuti vasade kuitambira nekuti vanonetseka kuwana kwekuishandisa.
Kumarket kwacho kwatinohodha zvinhu vanoramba bond vanoti havaridi. Michovha chaiyo chaiyo yave dollar nemabond kubva mutown kuenda kurukisheni kana kubva mutown kuenda kuma suburb. Zvinhu zvaoma.”
Amai Moyo vanoti havangakwanise kutaura kuti mari yemuno yombesendekwa parutivi here kana kuti kwete asi vanoti panofanirwa kutorwa matanho akasimba kuti zvinhu zvigadziriswe.
Mudzidzisi Shonhayi vanotsinhirawo kuti hurumende inofanirwa kugadzirisa zvinhu nekukasika nyika isati yadzokera mumatambudziko seakambowonekwa mugore ra2008 apo mari yemunyika yakashaya simba zveuti muzvitoro mange musingachawanikwe zvinhu zvekutenga.
“Tikasaita quick decisions to turn around the economy…zvehutano zvakawondomoka, zvedzidzo zvakawondomawo nekuti vanhu vose vave kutongotsvagawo kuti ndorarama sei?”
Mumwewo anorarama nekutengesa Amai Takudzwa Shumba vanoti maonero avo ndeekuti mari yemuno imbosendekwa parutivi. “Dhora remuno rave kutikonzeresera matambudziko akawanda. Chokwadi chaicho ndechekuti dai vamboribvisa zvavo.”
VaTrust Chikohora vakambove mutungamiri wesangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, kana kuti ZNCC uye ndemumwe wevezvematongerwo enyika vari muPolitical Actors Dialogue kana kuti POLAD.
Vanoti boka iri rakabatsira kupa hurumende mazano akabatsira kuti mari yemuno isaramba ichishaya simba vaachitiwo hazvibatsiri nyika kuti mari yemuno ibviswe asi kuti hurumende inofanirwa kuramba ichitora matanho anoita kuti zvinhu zvigadzikane. “Kana tikabvisa dhora remuno chero tikati ndekwechinguva chidiki, dambudziko ndere kuti kuzordzosa kunonetsa nekuti tinenge tariuraya zvachose, saka ngavamboedza zvinofanirwa kuitwa uye vanhu vaise musoro pamwe chete tichitaurirana zvinofanirwa kuitwa, asi dhora remuno richiramba richishanda pamwe chete nemultiple currency system yagara irirpo.”
VaFelix Chari, mudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro zvehupfumi vari muongorori akazvimirira, ndemumwe weavo vanotsigira kuti mari yemuno imbosendekwa parutivi. Vati, “Hatikwanisi kushora vemabhizimisi sezvo vachitsvaga kurarama munguva yakaoma kudai." Vanoenderera mberi vachiti, "Ndokusaka tichiona kuti pavanoisa mitengo yavo havaisi mitengo yanhasi asi kuti vakwanise kuzotenga imwe stock.Sekuona kwangu dai tambosendeka mari yemuno kusvika economy yaterama.”
VaProsper Chitambara veLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, kana kuti LEDRIZ vanoti kusendeka mari yemuno parutivi kune zvakwakanakira asi kunogona kunetsawo nerumwe rutivi.
Mutungamiri wesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions Amai Florence Taruvinga avo vanotsigirawo kusendekwa parutivi kwemari yemuno vanoti dambudziko guru riri kukonzera matambudziko emunyika inyaya yekuti hurumende inogara ichiita zano ndega, “Chaita kuti musoro uteme chinoziikanwa."
Vatizve, "Ndiko kusaka tichiti hazvibatsiri kuti kana tiri mumatambudziko akadai koshandiswa chisimba chekuti vanamuzvinabhizimisi vambunyikidzwe nekuti zvinodzoka zvobata futi isu vashandi, tave kutambudzika kuti tichawanepi chekudya, tichawanepi kwekutenga.”
Hurumende yakambosendeka kushandiswa kwemari yemuno mugore ra2009 asi mari iyi yakazodzorwa mugore ra2018 uye panguva iyi hurumende yakatara kuti yaive nehuremu hwakaenzana nedhora rekuAmerica.
Mutugamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti hakuna nyika inechiremera inorarama isingashandise mari yayo vachiti dambudziko guru nderevemabhizimisi vanoita nhafu nekukwidza mitengo yezvinhu.
VaMnangagwa vanotsigirwa negurukota rezvemari VaMthuli Ncube vanoti vari kutora matanho kudzikamisa dhora remunyika uy richaramba richishandiswa.
Facebook Forum