Rimwe bazi reUnited Nations reWorld Food Programme ratambira nemufaro mari inosvika mamiriyoni masere nezviuru mazana manomwe kana kuti US$8,7 million kubva kuUnited States Agency for International Development (USAID). Mari iyi yakanangana nekubatsira mhuri dzinosvika zviuru makumi matanhatu nemashanu kana kuti 65,000.
Mutauriri weWFP VaTatenda Macheka vanoti mari iyi ichabatsira vanhu vanogara kuKariba, Masvingo, Mwenezi, Rushinga neZvishavane.
Mukuru weUSAID muZimbabwe VaRamses Gauthier vanoti mari iyi inoratidza kuzvipira kweAmerica kushanda neWFP mukusimudzira hupenyu hwevanhu.
Mukuru weWFP muZimbabwe Amai Christine Mendes vatiwo, “Tinotenda America nekuramba ichibatsira nemari yekubatsira vanhu vari kutambura munzvimbo dzakasiya siyana dzenyika kuti vakwanisewo kurarama kunyangwe pakava nekushanduka kwemamiriro ekunze.”
VaMacheka vanoti vanenge vabatsirwa vanozoshanda mukugadzira madhamu nezvimwe kuti vasimudzire nharaunda dzavo nekuzviriritira mune remangwana.
Kubva muna 2011, vanhu vanosvika miriyoni imwe chete nezviuru mazana maviri kana kuti 1,2 million mumatunhu makumi matatu vabatsirwa neWFP
Zvimwe zvaitwa neWFP panguva zvinosanganisira kugadzira madiridziro makumi masere uye kurima mahekita mazana mashanu nemakumi maviri kana kuti 520 hectares uye kuchera zvibhorani makumi matatnhatu zvinoshandisa simba rezuva kana kuti solar.
Facebook Forum