Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi vepaUZ Vari Kupomerwa Mhosva yeKutsigira VaSikhala Voramba Vari Mutirongo


University of Zimbabwe Campus
University of Zimbabwe Campus

Vadzidzi vana vepachikoro chedzidzo yepamusoro-soro cheUniversity of Zimbabwe vari kutarisirwa kumiswa zvakare pamberi pedare ramejastiriti nhasi.

Vari kupomerwa mhosva yekusvibisa madziro ezvivakwa muguta reHarare, kubudikidza nekunyora mashoko ekuti VaJob Sikhala vabuditswe mujeri, nezuro vakamiswa pamberi pedare redzimhosva, kuti chikumbiro chavo chekutongwa vachibva kumba chinzwike.

Vadzidzi ava, avo vave nemazuva gumi nemasere vari mutirongo, vanoti Emmanuel Sitima (24), Comfort Ncekuyenkosi Mpofu (22), Tawanda Benjamin Watadza (24) na Lionel Andrew Madamombe (24)- vakanzi vadzoke nhasi mudare redzimhosva kuti vanzwe kana zvichikwanisika kuti nyaya yavo itongwe vachibva kumba.

Vari kupomerwa mhosva yekuratidzira kwavakaita musi wa 15 mwedzi wadarika, kubudikidza nekunyora madziro edare reparamende nemamwe, kuti vaJob Sikhala vanofanira kusunungurwa.

Gweta revadzidzi ava, rinorwirawo kodzero dzevanhu, VaJeremiah Bamu vakaudza studio 7 nezuro madeukazuva mushure mekupinda mudare, kuti muchuchisi wenyaya iyi, ari kuita hwekamba chaihwo, senzira yekuda kuti vana vari kupomerwa mhosva varambe vari mujeri.

VaBamu vati, “Vachuchisi vari kunonoka kuuya kudare, nekuti vanenge vachiti vane dzimwe nyaya dzavanenge vachimhanyisa.” Vaenderera mberi vachiti, “Izvi zvinoita kuti mazuva ekunzwikwa kwayo arambe achiwedzerwa. Dzimwe nguva pavanege vauya ipapo vanenge vachitaura zvisina maturo. Tamirira kunzwa humbowo hwekuti sei vachuchusi vari kuramba kuti vadzidzi ava vatongwe vachibva kumba.”

Mutauriri wesangano rinomirira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro-soro, reZimbabwe National Students Union (ZINASU), VaLenon Mazuru, vanoti kusungwa kwevadzidzi ava kunoratidza kuti kodzero dzevadzidzi dziri kumbunyikidzwa. Vati, “Tinoona sekuti danho iri nderekutyisidzira vadzidzi, vechidiki, uye ruzhinji rweZimbabwe sezvavagara vachingoita. VaMazuro vatiwo, “Asi isu sevechidiki uye sevadzidzi, tinoti hakuna zvavangakwanisa kuita kuti vatinyararidze. Patakamira tinopaziva uye hatibvi.”

VaMazuru vawedzerawo vachiti mazuva awanda vamwe vavo vasina kupihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Asi vakamboita sachigaro werimwe zvekare sangano rinomirira vadzidzi vekuzvikoro zvepamusoro-soro reZimbabwe Congress of Students Union (ZICOSU), vaKudzai Nyoka, vanoti kwete, ngavatakure mitoro yavo vadzidzi ava. VaNyoka vati, “Nguva yavagara mujeri haina kuwandisa. Ko iwe kana usingadi kusungwa, chingoregedza kupara mhosva pane kuda kuzovimba nekutongwa uchibva kumba.” Vaenderera mberi vachitiwo, “Hakuna mazuva akatarwa kunzi ndiwo anogona kupiwa munhu kuti atongwe achibva kumba. Uyu ngauve mucherechedzo kune vamwe, kuti ngatizvibatei.”

VaNyoka vatiwo mazvokuda mavanga enyora, kuvadzidzi vari kupomerwa mhosva ava.

Vanowongororawo nyaya dzevechidiki, VaDelight Muchazondida vanotiwo kugarisa kwaita vadzidzi ava mujeri, kunosiya veruzhinji vaine mibvunzo yakawanda inoda mhinduro.

Vati, Nemapepeterwo aitwa nyaya yavo, haanyatsogutsi kuti vedare varikuda kuti vabude kana kuti kwete.” Vatiwo, “Izvi zvinoita kuti veruzhinji vagedegede meno vachiti wava mucherechedzo uri kushandiswa nehurumende nemamwe mapoka, kuratidzira kuti ani nani achazoda kuita zvematongerwo enyika kuchange kuine mutongo wakaomarara. Kana kuri kuti vakomana ava vakapara mhosva, hatisi kuti mhosva ngairove, asi zvakakosha kuzotarisawo kuti chakavasunda kupara mhosva iyi chii.”

Nyaya yekuti vadzidzi ava vachatongwa vachibva kumba kana kuti kwete, ichadzoka mudare nhasi.

Vamwe vanomirira kodzero dzevanhu vanoti kugariswa mujeri kwenguva yakareba kudai, zvichitariswa mhosva iri kupomerwa vadzidzi ava, kutyora kodzero dzvavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG