Nhasi ndiro zuva rekupedzirira kuti vanhu vanoda kuvhota musarudzo dzegore rino dziri kuitwa musi wa 23 Nyamavhuvhu vaite izvi pasi pebumbiro remutemo.
NeChina range ririwo zuva rekupedzisira rekuti vanhu vatarise kuti mazita avo arimo here mugwaro revavhoti. Vamwe vanhu vari kuchema chema kuti mazita avo haasi kuwanikwa mugwaro revavhoti kana kuti akaiswa kunzvimbo dziri kure nekwavanogara.
Vanopikisa vanotiwo ZEC iri kuramba kuvapa gwaro revavhoti. Asi veZEC nehurumende vanoti zvimwe zviri kunetsa zvichagadziriswa uye hazvingakanganise kuitwa kwesarudzo.
Vachipawo pfungwa dzavo, sachigaro wesangano reZimbabwe Election Support Network VaAndrew Makoni vatiwo vari kunetseka nemamiriro egwaro revavhoti vachiti dai ZEC yakakurumidza kuriendesa kuvanhu dai pasina mamwe matambudziko ave kunyuka.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvesarudzo uye vaimboshanda nesangano reElection Resource Centre VaSolomon Bobosibunu vaudzawo Studio 7 kuti. havasi kushamisika nematambudziko ave kuonekwa panyaya yegwaro revavhoti nekuti ZEC yaiisa zvimiti munzeve vanhu pavainyunyuta nemabatirwo egwaro revavhoti.
Asi vachitaura nebepanhau reHerald, mutauriri weZEC Va vanoti zvichemo zvose zvine vanhu zvichagadziriswa. Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakaudzawo Studio 7 kuti mutemo uripo ikozvino hauna kuipa.
Zimbabwe yave nemakore ichiita sarudzo dzinoramba kutambirwa nevanopikisa vachiti dzinobirirwa zvemhando yepamusoro. Izvi zviri kunzi nevamwe vanokeretesa mari vakaita seAfrican Develepoment Bank neIMF zviri kupa kuti kugadzirisa hupfumi hwenyika kunetse.
Facebook Forum