Chirongwa chekunyoresa vanoda kuvhota musarudzo dzegore rino chapetwa neChishanu vanhu vakawanda vachinzi vakundikana kuwana mukana wekunyoresa kuti vagozokwanisa kuvhota.
Vazhinji vevanhu vakanga vakanonoka kunyoresa kuvhota vachiverengera ndivo vaswera vachichema nekusafamba kwemitsetse pazuva rekugumisira kuti vanhu vanyorese kuvhota kuitira kuti vazokwanisa kuvhota musarudzo dzegore rino dza2023.
Asi sezvakataurwa nevakuru pavakati “mberengera yakarinza mbuya nenzara." Vazhinji munzvimbo dzakawanda mumadhorobha nekumaruwa vaiverengera kunonyoresa vazoguma vave kuswera vari mumitsetse mushure mekunge vanhu vabuda vakawanda zvikuru vachiedza kushandisa mukana wekunyoresa uyu kuitira kuzovhota gore rino, asi vakawanda vavo vanonzi vakundikana.
Muzvare Precious Nyatondo, mugari wekuSouthlea Park, avo vari kuda kuvhota kekutanga, vanoti izuva ravo repiri vachiedza kunyoresa kuvhota uye vanyunyuta zvikuru nekunonoka kubatsirwa.
"Hatisi kuziva kuti zvinozofambiswa sei uye tokwanisa kubatsirwa nguvai? Apa tauya nevamwe vana vechikoro vanoda kunyoresawo kuvhota, nezuro vakarovha chikoro, nanhasi havasati vabatsirwa."
Izvi zvatsinhirwawo naVaMunyaradzi Hofisi vekuHighfield East avo vatiwo zvisineyi kuti vaive vakanyoresa kuvhota mumashure, vakawana zita ravo risimo mugwaro revavhoti vakanzi vatangise kunyoresa.
"Takasvika pane nezuro zvekuma eight. Zvinhu zvacho zvirikufamba mbichana panongova nemichina miviri chaiyo asi hapana kana chirikubuda tikapiwa manumber tikanzi tozobatsirwa nhasi. Nhasi tadzoka tikanzi manumber haachashandi apa nhasi ndoziva rekupedzisira."
VaTafadzwa Kamidzi, mumwe wevanhu vanga vachikurudzira vechidiki kuti vandonyoresa kunovhota, vati shuviro yavo ndeyekuti vekunyoresa kuvhota vangogara vachishandira kumisha inogara veruzhinji nguva dzese.
"Kunyoresa kuvhota dai vachingoti vanonyoresa vagare vari kunogara veruzhinji."
Kanzura weWard 16 muHarare, VaDenford Ngadziore veCCC, avo vanga vachitenderera kunzvimbo dzakasiyana siyana, vaudza Studio 7 kuti ongororo yavo inoratidza kuti mishina nevashandi veZimbabwe Electoral Commission vanga iri mishoma zvichienzaniswa nehuwandu hwevanoda kunyoresa kuvhota.
"Vazhinji pano vauya pano na5am vachipo vamwe vabatsirwa vamwe havasati asi nyaya yekuti vanhu vechidiki vakangomirira zvinoratidza kuti kwatiri kuenda kune chiedza vari kuziva kuti nyika yaoma."
Nyanzvi mune zvesarudzo, VaSolomon Bobosibunu, vaudzawo Studio 7 kuti huwandu hwevanhu kunzvimbo dzekunyoresa inyaya yekuti ndiro zuva rekupedzisira vakati izvi zvinogona kunge zvaremera ZEC.
"Kunge vanhu vozomhanya panguva imwechete zvinogona kuti basa rireme kune veelectoral commission vanenge vachiregester vacho zvoita zvakare kuti zvinoshandiswa zviti netsei sezvo vanhu vakauya vese zuva rimwe zvekushandisa izvi zvinogona kuita zvishoma."
VaBobosibunu vayambirawo veruzhinji kuti vasatange vamirire kuti mutungamiriri wenyika atare zuva resarudzo kuti vazonyoresa kuvhota, vachiti vanhu vangadai vakatorawo mukana wemakore mashanu apfuura kuti vange vachipinda mugwaro revavhoti.
"Pane inonzi continuos voter registration kureva kuti zuva rega rega rinoendwa kubasa muZimbabwe ZEC inenge ichinyoresa vanhu. "
Mutevedzeri wasachigaro veZEC, Komishina Rodney Kiwa, vaudza Studio 7 kuti vanga vari mumusangano uye vaizotaura nesu kana vasununguka manheru. Tatadza kubata sachigaro veZEC, Amai Priscilla Chigumba, kanawo mukuru anoona nezvesarudzo mukomisheni iyi, VaUtoile Silaigwana.
Mutemo wesarudzo unoti mushure mekunge mutungamiriri wenyika azivisa zuva resarudzo vanhu vane mazuva maviri chete ekuti vange vachinoresa kuti vakwanise kupinda mugwaro revavhoti rinenge richizoshandiswa musarudzo dzegore iroro.
VaMnangagwa vakazivisa neChitatu kuti sarudzo dzichaitwa musi wa23 Nyamavhuvhu nyika yose, uye kana pakasawana anokunda musarudzo yemutungamiri wenyika, re-run inozoitwa musi wa 02 Gumiguru.
Chirongwa cheZEC chekuti vanhu vatarise kana mazita avo ari mugwaro revavhoti chakaperawo nezuro asi veruzhinji pamwe nevemapato ezvematongerwo enyika vachikurudzira komisheni iyi kuti iwedzere mazuva kuitira kuti vanhu vakawanda kwanise kutarisa maziva avo.
Vanhu vakawanda vari kuchemawo kuti mazita avo haasi kuwanikwa mugwaro revavhoti, izvo zvinonzi nevanoongorora nyaya dzesarudzo zvinogona kukanganisa mafambiro esarudzo dzegore rino.
Facebook Forum