Mamwe masangano anorwira kodzero ari kukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvisarivara kunyange hazvo magwaro eZimbabwe Exemption Permits (ZEP) awedzerwa kushanda nemwedzi mitanhatu.
Mumashoko kuvatori venhau nezuro, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko muSouth Africa VaAaron Motsoaledi vakati vakatora danho iri kuti vapewo zvizvarwa zveZimbabwe zvine magwaro ange osvika kumagumo mwedzi uno kuti zvinyorera mamwe magwaro musi wa 31 Zvita usati wasvika.
Ko huronga hwekunyorera magwaro matsva uhu hunofamba sei? Mukuru weZimbabwe Exiles Forum VaGabriel Shumba vanotsanangura.
Kunyange hazvo chiitiko ichi chagamuchirwa nemaoko maviri nezvizvarwa zveZimbabwe, sachigaro wesangano rinorwira kodzero dzevashandi vanobva kune dzimwe nyika muSouth Africa reAfrican Diaspora Workers Network, Doctor Janet Munakamwe vati mombe yekuronzerwa hukama wakaringa nzira.
Pane zvizvarwa zveZimbabwe zviuru zana nemakumi manomwe nemasere kana kuti 178, 000 zvine magwaro emaZEP aya.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZEP Coordinating Committee VaEdward Muchatuta vanoti kuda kuvadzosera kumusha kuvakanda mukanwa mamupere.
Mumwe anoshandisa gwaro reZEP, Amai Luciah Homu vati zvaive nani kuti hurumende yeSouth Africa iwedzere magwaro aya kwenguva yakati rebei.
Nyanzvi munyaya dzemagariro evanhu uye vachiona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, Amai Tatenda Mazarura-Mhike vakakurudzira dzihurumende dzeZimbabwe neSouth Africa kuti dzigadzirise zvikonzero zviri kupa kuti vana veZimbabwe vanotsvaga hupoteri muSouth Africa.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji zvakatizira mhirizhonga yezvematongerwo enyika kuSouth Africa yakaitika mushure mesarudzo dzemutungamiri wenyika pakati pevashakabvu VaRobert Mugabe naVaMorgan Richard Tsvangirai muna 2008.
Kusamira zvakanaka kwehupfumi munyika kunonzi kuchatopa kuti vakawanda vatange kubuda munyika zvakare vachienda kuSouth Africa.
Facebook Forum