Accessibility links

Breaking News

Constitutional Court Inoti Paramende Haina Kuita Basa Rainotarisirwa paNyaya yeMutemo weZEC Unotara Mari dzeVachakwikwidza muSarudzo


Professor Lovemore Madhuku
Professor Lovemore Madhuku
Harare- Dare repamusorosoro re Constitutional Court rapa dare reparamende vhiki rimwechete kuti ritarise mutemo wakaiswa muna2022 unotara mari dzichabhadharwa nevachada kuzokwikwidza musarudzo dziri kuitwa muna Nyamavhuvhu gore rino.

Dare iri, iro rine vatongi vanomwe vachitungamirwa nemutongi, Justice Elizabeth Gwaunza, rabvumirana nemutungamiriri webato rinopikisa reNationalists Alliance Party, NAP, VaDivine Mhambi Hove, avo vakakwira kumatare vachitsutsumwa kuti dare reparamende rakatadza kuzadzikisa zvarinotarisirwa zvekuongorora kuti mutemo we Statutory Instrument 144 wa 2022, uyo unotara mari dzinobhadharwa nevanoda kukwikwidza, hausi kutyora bumbiro remitemo yenyika here?

Muzvinafundo Lovemore Madhuku
Muzvinafundo Lovemore Madhuku
Izvi zvatsigirwa negweta ranga richimirira VaMhambi Hove, VaLovemore Madhuku. "Dare nhasi rabvumirana nesu kuti zveshuwa paramende haina kuita basa rayo."

VaMadhuku vati dare rati Paramende inofanirwa kuongororo mutemo we SI144/2022 uyumusi wa16 Chikumi usati wadarika.

"Ndokubva dare rati paramende ngaiite basa rayo. Vaipa vhiki rimwe kubva nhasi kusvika Chishanu kuti paramende inofanirwa kuva yagara pasi kuti ione kuti mari yemanomination fees inoshangda kana haashandi.
VaDivine Mhambi Hove -vebato reNationalist Alliance Party
VaDivine Mhambi Hove -vebato reNationalist Alliance Party

Vachitaurawo nevatori venhau mushure memutongo uyu, VaHove vati zviri pachena kuti vanhu vane hurombo munyika nekudaro hakuna angakwanisa kubhadhara mari dziri kudiwa neZimbwbwe Electoral Commission idzi.

"Zuva ranhasi izuva guru kuzvizvarwa zveZimbabwe tachenurwa nedare mese munoziva kuti economy yakamira sei. Matongerwo enyika haafaniri kutengesewa.

Hurumende haifanirwi kubatwa nevanemari chete nekuti vanhu vazhinji varimunyika varombo saka tikaita politics dzekuti une mari yakadii nyika ino ichatongwa nevanemari chete . Vati chavanoda ndechekuti mari idzi dzibviswe zvachose.

VaHove vange vachinyunyuta kuti dai paramende yakatarisa mutemo wakaiswa uyu, vachiti vari kupokana nawo nekuda kwemari yakawandisa iri kudiwa kubva kune vachada kukwikwidza musarudzo.

Gweta ranga rakamirira paramende, VaTawanda Zhuwarara, vatenda kuti ndizvo zvaitika mudare vachitiwo dare harina charataura pamusoro pemari dzakatarwa ZEC idzi.

"Vati dare reparamende harina kuzadzikisa zvarinotarisirwa zvekuona kuti Statutory instrument iyi haina kutyora bumbiro, asi vakauya kudare ava vanga vachidawo zvinopfuura zvavawana izvi. Vanga vachidawo kuti dare ritaure kuti mutemo uyu unotyora here bumbiro asi izvi hazvina kuitika."

ZEC
ZEC

Pasi pemutemo uyu varikuda kuda kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vanotarisirwa kubhadhara madhora ekuAmerica zviuru makumi maviri (US$20,000.00).

Vanoda kukwikwidza kuve nhengo dzeparamende kana kuti National Assembly kana maseneta vachitarisirwa kubhadhara chiuru chimwe chemadhora ekuAmerica, (US$1000.00) kozotiwo vanoda kuita makanzura vachitarisirwa kubhadhara zana remadhora ekuAmerica, kana kuti US$100.00.

Vari mune zvematongerwo enyika vanoti mari idzi dziri pamusoro zvakanyanya zvinoita kuti vamwe vanoda kukwikwidza vakundikane.

Musarudzo dza2018 dzakapedzesera kuitwa, vaida kukwikwidza kuve mutungamiriri wenyika vaibhadhara chiuru chimwechete chemadhora ekuAmerica, vaidawo kuita nhengo dzeparamende vachibhadhara zana remadhora.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG