Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanotengesa Mumigwagwa Voshaya Chekubata Nekushaya Simba kweDhora reNyika


Vamwe vanoita zvekutengesa mumigwagwa vanoti vari kutarisana nedambudziko rekuti vanhu havasi kutenga zvinhu zvavo pamusoro pekushaya simba kuri kuita mari yemunyika ichiyenzaniswa neyekunze.

Amai Stella Chivandikwa vekuKariba vanoti mabasa ekutengesa mumigwagwa haasi kubhadhara vazhinji uye varikutonetseka kuti vachabhadhara seyi mari dzirikudiwa dzevana vechikoro.

Vanoti mitengo yezvinhu iri kukongo chinja zvisina tsarukano zvekuti kuhodha zvekutengesa kwavakutonetsa.

Amai Chivandikwa vanoti shuwiro yavo ndeyekuti hurumende igadzirise nyaya yemari kuitira kuti vakwanise kuenderera mberi nemabasa avo.

"Takatarisana nedambudziko mumabasa atiri kuita ekutengesa mumigwagwa," Amai Chivandikwa vaudza Studio7.

Vatiwo, "Hatina mari yatiri kubata parizvino nekuti ungaenda kuno hodha paunozo tengesa zvinhu zvako mari inenge yadonha woshaya kana cheruviri chaunowana pazviri."

Vanoti vanotengese zvekudya zvakaita semadhomasi nemichero asi zvinhu izvi hazvisi kuvapa chouviri sezvo pavanoda kuti vahodhe mitengo inenge ichichinja zvisinganzwisisike.

"Shuwiro yangu ndeyekuti dai hurumende yayedza zvese zvaingaite mukugadzirisa hupfumi hwenyika, nyanya mari dzatiri kushandisa pakuita zvemabhizimusi, tayuwira nekuti unokwanisa kupedza zuva rese usina kutengerwa uye mari yacho inoshaya simba wakaibata mumawoko," Amai Chivandikwa vaudza Studio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG