Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana Nedzimwe Nyika Kucherechedza Zuva reVanorarama neHusope


Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika nhasi kucherechedza zuva rekurangarira vanorarama nehusope kana kuti International Albinism Day.

Gore rino zuva iri riri kucherechedzwa pasi pedingindira rekuti kupa mukana ndiro simba kana kuti, "Inclusion is Strength."

Vachitaura neStudio 7 Muzvare Brenda Mudzimi vanoshanda nesangano reAlbinism Dare to Dream Initiative vaudza Studio 7 kuti zuva ranhasi rakakosha.

Mumwe anorarama nehusope Muzvare Egnes Gutrane vanoti vakawanda vave kubatwa nechirwere chegomarara nenyaya yekudhura kunoita mafuta avanokurudzirwa kushandisa anovadzivirira kuzuva.

Izvi zvatsinhirwa naVaClifton Musabayana vatiwo vari kushushukana nenyaya iyi. Mamwe mafuta ekudzivirira mukana wekubatwa nechirwere chegomarara nezvikamu makumi mashanu kubva muzana anonzi anotengeswa nemadhra makumi maviri ekuAmerica asi asingapedze mwedzi.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZimbabwe Albino Association, VaKudakwashe Machiha, vati vakurudzira hurumende kuti iise mutemo unopa vane husope mafuta pachena.

Izvi zvatsinhirwa nerimwe sangano rinorwira kodzero dzevakarema reInstitute for Community Development in Zimbabwe (ICOD), Muzvare Talent Maposa.

Vanoona nezvevakarema mubazi rekugarisana zvakanaka kwevanhu munyika, Dr Christine Peta, vati hurumende yagara ine mutemo wevakaremara wakaitwa mugore ra2021, unoremekedzawo vane husope.

Vati vane zvimwe zvirongwa zvekuvabatsira nemafuta aya pachena zviri kuitwa mumaruwa.

Kunze kwekushaya mafuta, vane husope vanoti vanosarurwa mumbasa uye vamwe vavo vari kubatwa chibharo. Nekuda kwekuti maziso avo anenge asingaone zvakanaka, vamwe vana vechikoro vari kutadzawo kuwana kodzero yekudzidza sezvo vanenge vasina magirazi.

Sangano reWorld Health Organization rinoti muAfrica munhu mumwe chete pazviuru zvishanu kana kuti 1: 5000 ane husope muAfrica.

KuEurope neNorth America munhu mumwe chete pazviuru zviviri kana kuti 1; 20,000 ane husope. MuZimbawe mune vanhu zviuru makumi manomwe kana kuti 70,00 vane husope.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG