Maita kupopotedzana mudare reNational Assembly mushure mekunge komiti inoona nezvemutemo yeParliamentary Legal Committee yatura gwaro rayo ichiti Statutory Instrument 144 iyo inotara mari dzichabhadharwa nevanoda kukwikwidza musarudzo haipokani nebumbiro remutemo wenyik.
Asi nhengo dzakawanda kubva kumapato anopikisa dzati dzange dzichida kuona zvikonzero zvaita kuti komiti iyi itore danho iri panyaya yakakosha munyaya dzehutongo hwejekerere. Vati nhengo dzekomiti iyi dzinofanira kupindura mibvunzo iyi mudare.
Vakafanobata chigaro chemutauriri weNational Assembly, VaWilliam Mtomba varamba kuti zvabva kuPLC zvizeyiwe mudare vachiti kuttora mutemo.
Vati kana komiti iyi yangotora danho hapana gakava rinozoitwa chinenge chasara kuti zvabuda zviendeswe kune vanodhinda magwaro ehurumende kana kuti government gazette. Izvi hazvifana kufadza nhengo dzinopikisa zvapa kuti pakandiranwe makobvu nematete.
Mumwe wevasina kufara nekutonga kwaVaMtomba mumiriri weBinga North, VaPrince Dubeko Sibanda, vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change avo vati veruzhinji vanoda kuziva zvikonzero zvakaita kuti PLC isvike padanho rekutsigira kuti vanhu vabhadhare mari yakawanda kudaro kana vachida kukwikwidza musarudzo.
VaSibanda vati, “Veruzhinji muZimbabwe vakamirira kuziva kuti sei PLC yati mari iyi yakakodzera.”
Vamwewo vasina kufara nezvaitika mudare nhasi mumiriri weMakoni Central, VaDavid Tekeshe veMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, avo vaudza Studio 7 kuti vange vakatarisira kuzeya gwaro rePLC rekutsigira Statutory Instrument 144 ya2022. VaTekeshe vati, “PLC inofanira kuuya mudare yetiudza kuti chii chayakawana kuti tikwanise kuudza vanhu kunze uko.”
VaTekeshe vaenderera mberi vachiti nyaya yemari dzemaNomination Fees inofanira kudzorwa kudare repamusoro zvekare.
Izvi zvatsigirwa nemumiriri weMutare Central, VaInnocent Gonese. Vati, “Tadzvanyirirwa asi ndoona sekuti munhu akatanga kumhan’ara nyaya dai adzokera kudare zvakare okumbira kuti nyaya iyi itongwe zvakare nechimbi chimbi nekuti hapasisina nguva,”
Asi vanokokera nhengo dzeZanu PF muparamende vachimirira Gutu South, VaPupurayi Togarepi, vati kuzeya kana kusazeya nyaya iyi hakuna zvakwaibatsira nekuti hazvina zvazvinochinja nekuti mari dzichabhadharwa ndidzo dzaivepo musi wakatarwa zuva resarudzo nemutungamiriri wenyika.
VaTogarepi vati, “Tikange tazviona kuti yakawandisa kana kuti ishoma, tikada kuzvichinja nhasi hazvina zvazvichabatsira nekuti mutungamiriri wenyika vakatotara zuva resarudzo saka mutemo unoti zvose zvaivepo zuva iri risati ravepo ndizvo zvinoshanda sezvo zvakazoitwa zuva iri radarika hazvishandi.”
Zimbabwe ichaita saurdzo dzemutungamiriri wenyika musi wa23 Nyamavhvhu gore rino uye muna Nyamavhvhu gore rapfuura, Zimbabwe Electoral Commission yakazivisa mari dzichabhadharwa nevanoda kukwikwidza musarudzo idzi.
Vanoda kukwikwidza pachigaro chemutungamiriri wenyika vachabhadhara zviuru makumi maviri zvemadhora eku America kana kutyi US$20,000, vanoda kupinda muparamende vachadhara churu chemadhora ekuAmerica kana kuti US$1, 000.
Zvichakadaro, mumiriri weHarare North VaRusty Markham vabuda mudare vachiratidzira pamusoro pemashoko avanonzi vaudzwa naVaJoseph Chinotimba zvine chekuita nerusaruraganda.
Vati aka hakasi kekutanga vachiudzwa mashoko makukutu ane chekuita nerusaruraganda vachiti izvi zviri kuitika kunyange mubato ravo.
Nhengo kubva kumapato ese dzashora zvaitwa naVaChinotimba. VaTogarepi vati Zimbabwe haikurudzire nyaya dzerusaruraganda.
Mutauriri wedare reparamende vati VaChinotimba vaturure mashoko avo asi pavazoita izvi VaMarkham pamwe neimwe nhengo yedare iri yechichena VaJohn Houghton veCCC zvakare vachimiriria Kariba vange vatobuda mudare.
Facebook Forum