Vamwe vanamuzvinabhizimisi vari kukurudzira hurumende kuti ishandise madhora ekuAmerica chete sezvo dhora remunyika riri kuramba richishaya simba zuva nezuva. Vemabhizimisi ava vanoti izvo zvikasaitwa, makambani akawanda achatanga kuvharwa.
Izvi zvabuda pamusangano waana muzvinabhizimusi wange wakarongwa nesangano reCEO Africa Roundtable waitirwa muno muHarare, wanga wakanangana nekutsvaga mudzi uri kukonzera kuti mari yemunyika ishaye simba.
Vachitaura neStudio 7 pamusangano uyu, sachigaro weCEO Africa Round Table VaOswell Binha vati mabhizimusi akawanda munyika anogona kuvhara kana pakasavandudzwa maitirwo ezvinhu.
“Zvatiri izvozvi tiri mudambudziko rakakurisa. Kumakambani hakuchakwanisi kushandika zvakanaka- nyaya dzemari, mitemo, nekwatinotengesa- vashandi zviri kutikanganisira basa redu. Tirikutya kuti kwatiri kuenda uko, makambani akawanda anogona kutadza kusvika gore rinouya. Zvazviri izvozvi idemo chairo riri muhuro memakambani edu.”
Izvi zvatsinhirwa nevaimbova gurukota rezvemari munguva yehurumende yemubatanidzwa, VaTendai Biti vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, avo vati chasara parizvino, kuti nyika imbodzokera mukushandisa mari yekunze.
“Vanotonga ava, muna2019 vakabvisa US dollar vachidzorera Zimbabwe dollar, asi Zimbabwe dollar rarambwa nevanhu, uyewo rabva radonha, kunyanya munaMay. Saka zvakakosha kuti tichidzokera kuU.S dollar, senzira yekudzikamisa zvinhu, tichimboita kuti vana vemuZimbabwe vasanyanya kutambura. Chikonzero chiri kuita kuti mari yemunyika iderere ndechekuti hurumende irikudya mari kunge mushonga wemusana. Ndiko saka ndichigara ndichiti, tinofanira kudya zvatauraya."
Asi vataura vakamirira mukuru webhanga renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya pamusangano uyu, VaNebson Mupunga, mukuru wechikamu chinoona nezvekugadzirwa kwemitemo kuRBZ, vati hurumende haina hurongwa hwekudzokera mukushandisa dhora rekuAmerica, vachitiwo hupfumi hwenyika hausati hwasvika pakaipisisa.
“Kushandisa dhora rekunze kune matambudziko anosanganisira kushomeka kwemari yemuAmerica mune zvose zvingada kuitwa munyika; uyewo zvinhu zvinenge zvava kugadzirwa muno, zvinenge zvava kudhura, zvinozoita kuti zvisatengwa, asi kutengwe zvekunze kwenyika. Uku kunenge kwava kuuraya indasitiri. Patakadzosa mari yemuno muna2018, takaonawo makambani anogadzira zvinhu muno, achisimukira. Chiri kuda kuitwa hakusi kudzosa dhora rekuAmerica, asi kudzikamisa dhora redu remuno. Mari yemuno ngaishandidzane neyekunze, kwete kuibvisa zvachose.”
Asi mutungamiri webato idzva re United Movement for Democratic Change, VaMorgen Komichi vaudzawo Studio 7 kuti hupfumi hwenyika hwaenda kumawere.
“Patasvika apa ndiyo nguva ya2007 na2008, apo dhora redu reZimbabwe rakaparara kusvika tava kumaQuintillions. Taive tofamba nemasaga nemadhiramu emari yemapepa, zvairatidza kuti hupfumi hwenyika hwabvajuka. Ndipo patiri nhasi. Asi kutarisira kuti hurumende iripo ingagadzirisa matambudziko aya, kunenge kuri kurota kwechembere, kurota ichimwa mukaka waamai.”
Mashoko aya atsinhirwa naVaBiti, vadzokazve vachiti, “Munhu wese ari kutambura. Vhiki rapfuura chingwa chakakwira kubva paZWL$7000 kuenda paZWL$15000. Saka mukaona bazi rakakosha sereReserve Bank richinyeba, richitaura kunge riri kubva kuMars, zvinoreva kuti ravakuda kuti rimbovharwa, ritsiviwe neCurrency Board nekuti vakoniwa.”
Imwe nyanzvi inowongorora nyaya dzehupfumi hwenyika, uye vari mukuru wesangano reFinx Zimbabwe, Muzvare Happiness Zengeni, vanoti zvichida dhora remuno richasvika parichagadzikana, zvichitevera danho rakatorwa neRBZ rekumbomira kutengesa mari yekunze.
“Danho rekusiya mabhanga achitengesa mari yekunze zvinoenderana nekuti vanorida vanoda kuritenga nemarii, uye vanoda kuritengesa, vanoda kuritengesawo nemarii, rakanaka nekuti mari haichashandiswi zvisiri izvo nevanhu vanga vachitenga U.S dollar kuRBZ voendesa pamusika mutema. Izvozvi, tikaramba tichishandisa mutemo wekutenga nekutengesa mari zvisina bhanga guru mukati, zvinobatsirawo kuti mari yemuno iwane payo chaipo paichagara, ichienzaniswa nemari yekunze. Asi izvi zvinogona kutora mwedzi yakati kuti, dhora remuno richingodonha simba, asi zvozogadzikana.
Vamwe vana muzvinhabhizimusi vanga vari pamusangano wanhasi vaudza Studio 7 kuti kunyange zvisiri pamutemo kuti vatengese zvavanogadzira nemari yekunze chete, vanotongodaro kuitira kuti mabhizimusi avo asaparara.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutsikawo madziro kuti nyika ishandise dhora rekuAmerica vachipomera vemabhisimisi mhosva yekuita nhafu nekudhurisa zvinhu. Asi vemabhizimisi vanoti vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.
Nhasi dhora rimwe rekuAmerica ranga richitenga madhora emuZimbabwe zviuru zvinodarika zvitanhatu pamusika wemabhanga kana kuti iUS$ to 6,000 kuchiti pamusika wemukoto, dhora rekuAmerica riri kutengwa nemadhora ari pakati pezviuru zvinomwe nezviuru gumi nemazana mashanu kana kuti 1US$ to 7000 or 10,500.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvekukwira kwemitengo yezvinhu pasi rose Muzvinafundo Steve Hanke vanoti Zimbabwe yasvika pekuti mitengo yezvinhu inenge yokwira pazuva rega rega kana kuti Hyperinflation uye ndiyo nyika iri kudhurisisa zvinhu kudarika nyika dzose dzepasi rino.
Facebook Forum