Accessibility links

Breaking News

Murimi Ari Mutsigiri weCCC Akaremera Anoti Ari Kushungurudzwa neveZanu-PF


Mumwe murimi akaremara nemumwe murairidzi kuMasvingo vanoti vakamanikidzwa kumbonohwanda nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF vachipomerwa mhosva yekutsigira bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change.

Kunyangwe mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnanagwa vari kukurudzira runyararo, vanopikisa vakawanda vanoti muromo wagara hauzarirwe nerwizi vachiti vari kutyira hupenyu hwavo pamberi pesarudzo dzemusi wa 23 Nyamavhuvhu.

VaTinarwo Macheke avo vakaremara makumbo vanoti ivo nemhuri yavo vakamanikidzwa kutiza pavanogara nekushanda nevatsigiri vebato reZanu-PF vachitungamirirwa nevari kuda kumiririra Bikita West mudare reparamende VaDanny Makusha.

Vanoti vatsigiri veZanu-PF ava vakatovaka musasa pabasa pavo apo vaiimba nziyo vachivayambira kuti vaizona kuitwa kafiramberi.

Vanoti vatsigiri veZanu-PF vaiti pabasa pavo panoitwa zvemushandirapamwe wevarimi pakatangwa nehurumende nekudaro hapafaniri kushandirwa nemunhu anotsigira bato rinopikisa. VaMacheke vati, "“Vakauya pachivanze changu vakatanga kuimba nziyo dzavo dzechimurenga vakati ndofana kubva pano mukati memazuva matatu.”

Vanoti vakatotiza pamba sezvo vaitya kuitwa kafiramberi pakati pehusiku. Vati, “Ave manheru mhuri yakatya kurara ipapo nekuda kwezvanga zvaitika akatozondorara kune shamwari yavo,” VaMakusha vakaenderera mberi.

VaMacheka vanoti imba yavo iri kuda kutorwa ichinzi iitwe hofisi yevechidiki veZanu-PF muBikita. Vakafanobata chigaro chemunyori m Cubandiko reve chidiki muCCCto reTripple MuMasvingo, VaJohn Mupanduki, vati muBikita matoberekera ingwe nekuda kwemhirizhonga yezvematongerwo enyika.

“Hatsi kufara nekushungurudzwa kuri kuitwa VaMacheke, mhirizhonga yatotanga muBikita,” VaMupanduki vakadaro.

VaMakusha vati vange vasina kusungunuka kupa divi ravo sezvo vange vari mumusangano. Vati, “Ndiri mumeeting ndibateyi after 2 hours,”

Zvichakadaro mumwe mudzidzisi wepachikoro cheGuni Secondary kwaGutu, VaBishi Chikomo vanoti vakapedzawo mazuva maviri svondo rino vachirara mugomo apo vakatyikidzirwa nerufu nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF vachinzi vanodzidzisa vana zvematongerwe enyika VaChikomp vat, “Ndakatya kurara pamba apa ndikaenda mugomo kwemazuva matatu nekuti vaizondivinga manheru,” vakadaro VaChikomo.

Vati ivo nemhuri yavo vave kugara mukutya nekuti vatsigiri ava vanogara vachiuya pachikoro pavanodzidzisa nekugara.

Mutungamiriri wesangano revadzidzisi vekumaruwa reAmlagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe(ARTUZ), VaObert Masaraure vakurudzira vezvematongerwo enyika kuti vasashungurudze varairidzi. Vati, “Tinonzwa kushushushika tichinzwa kuti maticha ave kurara musango semuhuka nekutya vanoda power.”

Mutauriri weZanu PF muMasvingo, VaPepukai Chiwewe vati havasati vanzwa nezvenyaya dzemhirizhonga mudunhu iri uye bato ravo hari kurudziri mhirizhonga.

“Ndanga ndisati ndambonzwa any report nenyaya dzemhirizhonga asi munozviziva isu hatikurudziri violence nemukuru wedu VaMnangagwa,”

Vatsigiri veCCC ava vanoti vakamhan’ara nyaya idzi kumapurisa asi hapana matanho ari kutorwa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner, Paul Nyathi, vati vange vasingakwanisi kutaura sezvo vange vachityaira kubva kuHwange.

Kunze kwekutyisidzirwa, vanopikisa vanoti mapurisa anovasunga matare ovakanda mujeri kana vakangofungidzirwa kuti vaita mhirizhonga, vatsigiri veTripple C makumi matatu nevapfumbamwe vakasungwa kuNyatsime vachinzi vainge vapwanya hofisi yeZanu-PF.

Vamwe vadzidzi vashanu vesangano reZINASU vakasungwawo vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga.

Vose ava vari kunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso. Gore rapera imwe nhengo yeZanu-PF VaAbiton Mashayanyika vakabuda pavhidhiyo vachikurudzira kuurayiwa kwemutungamiri weTripple C VaNelson Chamisa nemhuri yavo.

Kunyangwe nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa, pave kupera gore vasina kusungwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG