Accessibility links

Breaking News

Michina Yekurapa Gomarara kuMpilo Yosvika Makore Mana Isina Kugadzirwa, yekuParirenyatwa Makore Maviri


HIFU
HIFU

Nhengo dzekomiti yeparamende inoona nezvehutano dziri kukurudzira hurumende kuti ipe zvipatara zveMpilo kuBulawayo neParirenyatwa Group of Hospitals muHarare mari yekuti zvigadzire michina inoshandiswa kurapa kuburikidza nekupisa panenge paine chirwere chegomarara inonzi "Linear accelerator" kana kuti LINAC nechirungu.

Michina iyi inonzi yave nemakore mana isiri kushanda zvoomesera veruzhinji vasina mari yekuenda kuzvipatara zvakazvimirira zvoga.

Komiti iyi yashanyira chipatara cheParirenyatwa nhasi uye yakashanyirawo cheMpilo nemusi weMuvhuro. Vachitaura vakamirira komiti iyi mumiriri weWhange Central vari nhengo yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaDaniel Molokela vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka pazvipatara zvikuru munyika izvi vachikurudzira kuti michina iyi igadzirwe nechimbi chimbi.

VaMolokele vati, “Chakakosha chatadzidza ndechekuti michina yacho haisi kushanda."

Vatiwo, "KuBulawayo haisi kushanda kwemakore mana, kuHarare haisi kushanda kwemakore maviri. Saka tichashanda nebasa rezvehutano neremari kuti mari yacho iri kudiwa US2.4 million iwanike kuti tibatsire kuti michina idzoke iyi kuti vanhu vakwanda vabatsirikane nekuti vanhu vakwanda varikurwara varikuenda kune dzimwe nyika dzakaita sana South Africa, Zambia nanaMozambique. Vamwe varikutoenda kumhiri kwemakungwa.”

Chipatara cheParirenyatwa chine michina mitatu yekurapa, Mpilo ine michina miviri asi yose haisi kushanda.

Mukuru anoona nezvekurwapwa kwezvirwere zvegomarara paParirenyatwa Dr Nothando Mutizira vaudza nhengo dzekomiti iyi kuti vave kungopa vane chirwere chegomarara mapiritsi nemimwe mishonga kwete kuvapisa sezvinoda kuitwa mawe magomarara.

Dr Mutizira vati, “Kunyange michina yedu yakafa yeRadiotherapy tirikurapa neChemotherapy nekuti ndozvatiri kukwanisa kupa varwere vedu panguva ino saka chemotherapy tiri kuita." Vatizve, "Vamwe varwere vanenge vachida Radiotherapy vanoenda kune dzimwe nzvimbo vachinorapwa ikoko.”

Vatiwo iri idambudziko guru sezvo vanhu vazhinji vanoenda kuzvipatara zvehurumende vasina mari yekuenda kuzvipatara zvakazvimirira kana kunze kwenyika. Vatiwo nyika ine nyanzvi dzekurapa chirwere ichi gumi nembiri chete dzinova shoma pachitariswa huwandu hwevanhu vari munyika.

Dr Mutizira vati, “Hatina kuwanda sezvatinenge tichishuvira. Panguva ino munyika muno mune maOncologist gumi nemaviri chete. Tinoshuvira kuti nhamba iyoyo inge ichiwedzera nekuti chirwere chegomarara tirikuona chichiwedzera.”

Vaenderera mberi vachiti mhando dzegomarara dzakawanda ndedzinoti gomarara rechibereko kana kuti Cervical Cancer ichiteverwa neProstate gomarara repasikarudzi, negomarara repazamu kana kuBreast Cancer.

Vanoti gore rapera chete Parirenyatwa yakarapa varwere vegomarara churu asi vanoti huwandu uhwu hwave kukwira. Dr Mutizira vaudza Studio 7 kuti, '“Tiri kuona huwandu uhwu huchikwira zvekare. Pasvondo tine zvirongwa zvitanhatu zvekurapa varwere, zvitatu zvekurapa varwere vagara vari pachirongwa uye zvitatu zvekurapa varwere vatsva. Pazuva tinogona kurapa varwere vanotangira pamakumi matanhatu kusvika pazana zvichienderana nekuti kwauuya vanhu vangani musi iwowo.”

Mukuru wechipatara cheParirenyatwa, VaAspect Maunganidze, vati pane matanho akatotorwa nehurumende kugadzisira michina iyi uye vanotarisira kuti zvinhu zvinge zvanaka mukati menguva pfupi iri kutevera. VaMaunganidze vati, “Sezvinozikanwa nevanhu vese, michina yedu inorapa gomarara, atinoti maRadiotherapy machines kana kuti maLinacs Accelarators ange asiri kusevenza asi hurumende yaita kuti mari yacho inodiwa kuti zvigadziriswe ivepo uye tinotarisira kuti mumasvondo maviri matatu ari kutevera michina ichange ichigadzirwa.”

Panodiwa mamiriyoni maviri nezviuru mazana mana zvemadhora ekuAmerica kana kuti US$2.4 million, kugadzirisa michina iyi.

Mutauriri webazi rezvehutano VaDonald Mujiri vaudza, Studio 7 kuti nyaya iyi yave kugadziriswa.

Vakasanobata chinzvimbo chemunyori anoona nezvehutano mubato guru rinopikisa reCCC, Dr Henry Madzorera vaudza Studio 7 kuti mari irikudiwa kugadzirisa michina iyi ishoma sitereki, US$2.4 million haisi mari yakwanda kana taakutarisa mari yakamwaiwa kuvatongi nemakurukota nguva shoma yapfuura, ingadai yakatotitengera mimwe michina mitsva yakatowanda, takatoisa mimwe kuMpilo uko.

Kune chipatara chinogona kurapa gomarara asi havasi kuita nekuti hkuna zvikwanisiro zvacho. Saka tinokumbira hurumende ikoshese vanhu kwete kukoshesa zvekuda kuvhoterwa pasarudzo.”

Zvikamu makumi mapfumbamwe zvevanhu vese munyika hazvisi paMedical Aid izvo zvinoita kuti vararame nezvipatara zvehurumende kana zvemakanzuru nedzisvondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG