Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vovimbisa Kubatsira Kuwanisa Zvikoro Nzira dzeKudzidza dzeChizvinozvino


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri wenyika muhurumende yevechidiki, Neville Mavu
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri wenyika muhurumende yevechidiki, Neville Mavu

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti hurumende yavo yakazvipira kubatsira vana vechikoro nenzira dzechizvinozvino dzekudzidza nadzo, dzinosanganisira kushandisa masaisai eInternet.

VaMnangagwa vataura mashoko aya pavavhura zviri pamutemo dare reparamende yevechidiki rechimakumi matatu nerimwe nhasi muHarare.

Vachitaura pachiitiko chanangana nezuva rekurangarira vana vemuAfrica, re International Day of the African Child, VaMnangagwa vazvirova dundundu vachiti hurumende yavo inotsigira vechidiki kuti vafambidzane nevana vari kune dzimwe nyika, maringe nekudzidza nenzira dzechizvinozvino.

“Kuuya kwenzira dzemasaisai pakudzidza kwabatsira chose kuti vana vedu vawanewo dzidzo yepamusoro-soro, isina rusarura, inosanganisirawo kudzidza muzvikoro zvehurumende nezvimwe zvisiri.

"Naizvozvo, hurumende yangu iri kuisa mitemo nezvirongwa zvinoita kuti mwana wega wega awane mukana wekushandisa nzira idzi kuitira kuvandudza hupenyu hwavo. Ndinokuvimbisai kuti nhunha dzese dzamareva ndadzinzwa, uye dzichagadziriswa nehurumende.”

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Kuvhurwa zviri pamutemo kweparamende yevechidiki kwaitwa pasi pedingindira rezuva revana vemuAfrica, reInternational day of The African Child, iro rakanangana nekusimudzira kodzero dzevana munguva yekushandiswa kwemasaisai eindaneti, kana kuti, “The Rights of The Child in The Digital Environment”, muChirungu.

Vachitaura neStudio 7 pamusangano mumwewo, mumiriri weBudiriro North mudare reparamende yevechidiki, uyewo achidzidza paEaglesvale Senior School, Tatenda Chiwoza, ati zvikwanisiro zvekudzidza nenzira dzechimanje-manje, ndizvo zvishoma muzvikoro.

“Nzvimbo yandinomirira yakabatsirika chose nechirongwa chakaitwa cheLab Per School, zvakaona zvikoro zvose muConstituency yangu, zvichiwana maComputers. Asi chiri kunetsa ndechekuti havana internet, uye vanayo vacho havakwanisi kuiterera mwedzi nemwedzi. Saka iyi inyaya yatinoda kubatsirwawo sevana.”

Mumiriri weMutasa Central mudare reparamende yevechidiki, Perseverance Chikati, anodzidza past. Mathias Tsonzo High School, auyawo nemuono wekuti vechidiki vanozvitora mifananidzo vasina kupfeka votenderedza pamadandemutande vanofanira kurangwa neshamhu ine munyu.

“Zvinondinetsa kuti nei mwana achizvitora mifananidzo akashama, asi iye achingozviona paanenge achigeza. Chikumbiro changu kune vanoita nezvemitemo ndechekuti kana mwana anotora mifananidzo yakadai akawanika, arohwe zvakaipisisa nekuti vana ava vari kuzochema-chema, asi ndivo vanenge vazvikanganisira.”

Nhengo dzeparamende yevechidiki
Nhengo dzeparamende yevechidiki

Kurangwa kwevana vane misikanzwa kwatsinhirwa nemumiriri weBuhera South mudare reparamende yevechidiki, uye vachimirira Mambo Nyashanu, Daiton Mutero, uyo anodzidza paMutiusinazita High School kuBuhera.

“Asi hatisi kuti torai mupinyi kana kuvhuna danda murove, tiri kukumbira kuti chikoro chimwe nechimwe chive neDisciplinary Committee inomirira kuranga zvakafanira, watinodawo kuti uve pamutemo.

"Hurumende yakati vana havafaniri kurohwa asi vanofanira kuitwa guidance and counselling, asi muromo wega hausi kushanda. Vakuru vekare vazhinji vane hupenyu hwakanaka mukavabvunza kuti vakasvika sei ipapo, vanokuudzai kuti vairohwa zvakasimba.”

Mutungamiri werimwe sangano revadzidzisi, reZimbabwe Progressive Teachers Union, VaTakavafira Zhou, vanoti kunyange zvataurwa nemutungamiri wenyika zvakanaka, muromo hauzarirwi nerwizi.

“75% yezvikoro muZimbabwe hazvina magetsi kana solar system. Zvikoro zvakawanda kumaruwa zviri kudzidzira munzvimbo dzakafanana nepasi pemiti kana mudzimba dzouswa nemapango dzinoda kuti dzivandudzwe.

Saka tisati tambotaura kutekeshera kweICT muZimbabwe, tinoda kuti vana vange vachidzidzira mumakirasi akanaka; magetsi kana solar awanike. Mukuru wenyika vanongotaura havo asi pachiri nemukwidza waKwirivindi kuti ICT isvike, itekeshere munyika yese.”

Mutungamiri wehurumende yevechidiki
Mutungamiri wehurumende yevechidiki

Mukuru webhodhi rakokera mhemberero idzi, reZimbabwe Youth Council, Muzvare Maud Chifamba, anoti ishuviro yavo kuti vana vakwanise kushandisa indaneti vakadziviririka.

“Tinoona kuti ikozvino kuchikoro vana vave kukwanisa kuenda paInternet nekuti yakakosha, chero muchitarisa iwo maCALA avanoita. Tinotendawo mutemo weData Protection Act wakaiswa nehurumende unochengetedza vana ava.”

Dzimwe nyaya dzasimudzwa nevamiriri vedare reparamende yevana dzakumbirwa hurumende kuti igadzirise dzinosanganisira kutorwa kwematanho akasimba pakuona kuti kutorwa kwezvinodhaka kwamiswa, kodzero dzevana vanorarama nehurema dzachengetedzwa, uyewo kumbunyikidzwa kwevana nevadzidzisi kwamiswa.

Vana vechikoro vapinda mumusangano weparemande yevechidiki
Vana vechikoro vapinda mumusangano weparemande yevechidiki

Zuva reInternational Day of the African Child rakatanga kucherechedzwa musi wa 16 Chivabvu 1991 senzira yekurangarira nayo vana vechikoro vakaurayiwa musi wa Chivabvu 16 1976 muSoweto, muSouth Africa, vachiratidzira vachida kuti dzidzo yemuzvikoro zvevatema ivandudzwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG