Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe National Organisation of Associations Residents Trusts Inoparura Chirongwa cheKubatsira Vechidiki Vane Dambudziko reZvinodhaka


Detective Sergeant Netty Kundizeza veCID Drugs and Narcotics
Detective Sergeant Netty Kundizeza veCID Drugs and Narcotics

Sangano reZimbabwe National Organisation of Associations Residents Trusts, rinoti dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka nevechidiki ratekeshera nenyika uye nhasi raparura chirongwa chekubatsira vechidiki vane dambudziko iri.

Vachiparura chirongwa ichi mumusha weGlen View muHarare nhasi, sachigaro wesangano iri, VaShalva Chikomba, vati dambudziko rekushandisa zvinodhaka rakura munyika semamwe matambudziko akaita sehuwori nekushaikwa kwemvura nemagetsi.

Asi vati iri idambudziko ravanogona kugadzirisa.

“Chinangagwa chedu takatarisana nedambudziko iri kuti vechidiki vasiye zvinodhakwa. Kwete kungobatsira chete asi kuti tivatsvagire zvekuita.”

Vachitaurawo pamusangano wanhasi, Amai Ruwiza Maposa vati dambudziko iri radzika midzi mumba mavo zvekuti havachina mufaro.

“Ndinosangana nedambudziko iri zvakanyanya kune mwana wangu anonzi Ian. Mwana uyu ndinomuda zvikuru asi zvaaanondiitira zvinondinetsa mukurarama kwangu. Ndiye wandakatarisira kuti ndiye wava mudiki anogona kusara pamba asi iye zvino zvaakundiitira zvandichinjira. Pfungwa dzangu dzarasika uyezve ndine chirwere chemwoyo chakabva chanyanya nezvaanondiitira mwana mukomana uyu.”

Vanoti musangano wanhasi wavabatsira uye vave kuziva kuti vobatsirikana sei?

“Zvino ndakati ini kuramba ndichimumhan’arira kumapurisa achidzoka mumwe mupurisa akati tsvakai Protection. Bava vacho vakati ukamudzinga akagara mumugwagwa haazodzoreka. Saka ndakangomutarisa asi aakunge aakurasika njere.”

Chimwe chiri kutorwa chinodhaka imbanje.
Chimwe chiri kutorwa chinodhaka imbanje.

Vachitaurawo pamusangano uyu, vange vakamirira chikamu chemapurisa eZimbabwe Republic Police chinoona nezvekurwisana nezvinodhaka, cheZRP Drugs and Narcotics, Detective Seargent Netty Kundizeza, vati dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka ranetsa pasi rese uye muZimbabwe vana vechidiki vane makore ari pasi pemanomwe vave kushandisa zvinodhaka izvi.

Vati zvinodhaka izvi zvinokanganisa pfungwa, hutano neremangwana neravana uye zvakakosha kuti vabereki vaone kuti vana havashandise zvinodhaka.

“Vabereki mukanzwa kuti mwana arikuenda kuParty zivai kuti kwakamira sei, kunanani, ndiani aironga, iri kuitirwa kupi nekuti vana vave kuenda kumaVhuzu party.”

Vaenderera mberi vachiti chinorwadza ndechekuti vanhu vakuru ndivo vari kutengesa zvinodhaka izvi pamwe nekupa vana dzimba dzekuti vaiitire misikanzwa.

Vakurudzira veruzhinji kuti vamhan’are kumapurisa vese vanoshandisa kana kutengesa zvinodhaka vachiti basa reZimbabwe Republic Police kuchengetedza zvizvarwa zvese zvenyika.

Mapurisa ari kukurudzira vechidiki kuti vasatore zvinodhaka
Mapurisa ari kukurudzira vechidiki kuti vasatore zvinodhaka

“Kana imi muchiparadza vanhu veZimbabwe, nyika yedu yemangwana nezvinodhaka mutemo ukati sungai vanhu tinokusungai. Basa redu nderkuchentedx mutemo.”

Detective Seargent Kundizeza vakurudzira veruzhinji kuti vatsvake mari nenzira dzakanaka, kwete kutengesa zvinodhakwa.

Zvimwe zvezvinodhaka zvinonzi zvinonyanyoshandiswa munyika zvinosanganisira mbanje, mutoriro, Heroine, mishonga yechikosoro yakaita se Broncleer syrup pamwe nemishonga yekuchenesa ganda kana kuti Skin Lighteners.

Dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka munyika rinonzi rinogona kunge riri kukonzerwa nekuwedzera kwehurombo nekushomeka kwemikana yeszvehupfumi. Vechidiko vakawanda munyika vanonzi vari kupinda mudambudziko iri vachitsvaga kuzvisimudzira munguva dzekuoma kwezvinhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG