Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change razivisa vatori venhau muHarare nhasi kuti vacharimirira musarudzo dzedare reparamende namakanzuru vachaziviswa kuruzhinji nemusi weChitatu pachagarwa dare reNomination Court munzvimbo dzakasiyana siyana munyika pachitambirwa zviri pamutemo magwaro evari kukwikwidza musarudzo dziri kuitwa musi wa 23 Nyamavhuvhu.
Vachitaura nevatori venhau kuCresta Hotel, mutungamiriri weTripple C VaNelson Chamisa vati basa rekutsvaga vachamirira bato rapera.
VaChamisa vati, “Tatambira mazita akabva kuvanhu. “ Vaenderera mberi vachiti, “Tine mufaro mukuru kuti tine macandidates akasimba achange achikwikwidzana neZanu PF kuti tinge tichibudirira musarudzo dzirikuuya idzi. Mazita atovapo, vakasarudzwa vatovapo , veruzhinji vemunharaunda varikuziva nekuti ndivo vakasarudza. Changosara kungoti final list ichabuda zvayo yave kuZEC."
VaChamisa vati havangatauri mazita evachamiririra bato ravo vachiti vanozovhiringwa nebato ririkutonga reZanu PF.
Vachibvunzwa neStudio 7 kuti danho ravo iri harizounze kupokana here munguva yesarudzo dzaswedera, VaChamisa vati , "Changosara kungoshambadzwa kwevanodiwa isu hatina zvekuti kune gakava kana bopoto.” Vatizve, “Ungagumbuka zvave zvemumba here? ndezveruzhinji, ndezvekutumwa ungatsamwa kuti hauna kutumwa, kunoita basa kasi unenge uchida kunoita zvimwe ."
Vataura vakamiririra sangano range richitungamira hurongwa hwekusarudza vamiriri kana kuti Candidates Independent Selection Panel, VaPraise Moyo vati vanofunga kuti vakaita basa nemazvo.
VaMoyo vati, “Zvakabuda ndezvekuti process yedu yakaonekwa yakachena tapedza izvozvo takazodzoka tikacompiler mazita anodiwa nevanhu ndiwo atapa kuparty nhasi uyezve negwaro rinoratidza mafambisiro atakaita hurongwa hwacho.”
Imwe nhengo yedare reNational Assembly vari kubato reZanu PF VaJoseph Tshuma vati CCC iri kukundikana kusarudza vachaimiririra izvo zvoita kuti vapomere bato reZanu PF zvisina maturo.
VaTshuma vati, “ Togara tichiita maelections navo vachizivisa vamiririri vavo vanokwikwidza hapana chakamboitika kwavari, havana kuurawa, havana kutsakatika, saka nhasi zvavanozoti varikutya kutaura mazita zvinenge zvichirevei izvozvo.” Vatiwo, “ Izvi zvinobuditsa pachena kuti CCC haigoni kuronga zvinhu zvayo vakatadza kuita zvinhu zvavo, havana mastructures saka vavekutya kuti macandidates avo sezvo vakawanda saka vachavaita sei sezvo vasina kuita maprimary elections."
Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakarerekera kudivi reZanu PF VaGadzira Chirumanzu vatiwo zvirikuitwa neCCC mahumbwe. VaChirumanzu vati, " Mahumbwe hazvishandi.” Vaenderera mberi vachiti, “Nyika yese ikezvino yakuziva kuti Zanu PF ichamiririrwa nani nani sebato rine mastructures, rina President rakaita congress vanhu vakati uyu ndiye watinoda . Hakuna congress yakati Chamisa ndiye president, iyi i bulldozing."
Mumwe anoongorora zvematongerwo enyika, VaTinashe Mugari vati danho ratorwa neCCC rakanaka chose vachiti zvichitariswa kuti vanhu vanombunyikidzwa munyika.
VaMugari vati, "Ndinoona sekuti idanho rakanaka zvikuru, kuchitariswa mamiriro akaita environment yepolitics dzemuno.” Vatiwo, “Zvakadai zvinowanzoitika mushure mekunge vanhu vatarisa nyaya yekuchengetedzeka kwevanenge vachida kumiririra bato."
Kunyangwe dare reNomination Court riri kugara nemusi weChitatu, mamwe mapato anopikisa akaita seMDC inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora haasati azivisa kuti ndiyani achavamirira musarudzo. Bato reZanu-PF chete ndiro rapeta hurongwa hwaro nekuzivisa kuti ndevapi vachakwikwidza vakarimirira musarudzo.
Facebook Forum