Vanhu vanodarika vanomwe vanyoresa nhasi kuti vakwikwidze musarudzo dzemutungami wenyika musi wa 23 Nyamavhuvhu. Asi musarudzo dzenhengo dzeparamende mange muine kunetsana mune mamwe matunhu zvapa kuti vamwe vanyorese vakazvimirira.
Vamwe vevaisa mapepa avo kuda kukwikwidza chigaro chemutungamiriri wenyika vanosanganisira mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, mutungamiriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vaimbove kubato reZanu PF VaSaviour Kasukuwere , VaDouglas Mwonzora veMDC T, VaLovemore Madhuku veNational Constitutional Assembly naVaRobert Chapman veDemocratic Union of Zimbabwe.
Muzvare Linda Masarira vebato reLEAD vaendesa mapepa avo asi vange vachiti vari kutsvaga mari yekuwedzera kuti isvike pazviuru zviviri zvemadhora ekuAmerica zviri kudiwa kana kuti mari imwecheto mumadhora emunyika pamutengo wekumabhanga.
Vachitaura kudare repamusoro reMapondera Building pange pachiitirwa hurongwa uhu, VaMnangagwa vati vari kufara nezvavaona.
Vachitaurawo nevatori venhau, mutungamiri webato rinopikisa VaNelson Chamisa vati vari kutarisira kukunda zvine mutsindo.
Mutungamiriri webato rinopikisa reLabour Economists & Afrikan Democrats, Muzvare Linda Masarira vati vachiri kutsvaga mari.
Tabatawo vamwe vati vari kukwikwidza musarudzo idzi vachimirira bato reNCA Muzvinafundo Lovemore Madhuku.
Vamwe vange vari kunetsekana nenyaya yekubhadhara mari ndiAmai Elisabeth Valerio vebato reUnited Zimbabwe Alliance vange vachiti mari yavo yanzi haisi kukwana. Vari kutungamira bato reThe UANC Doctor Gwinyai Muzorewa vari kuda kukwikwidzawo musarudzo dzemutungamiri wenyika vati vange vasina masiginecha akakwana.
Mudare reparamende, VaAllan Markham avo vaikwikwidzana naVaTendai Biti ndivo vabudirira kuisa mapepa kuCCC kuti vamiririre Harare East vachitiwo donzvo ravo guru vakapinda nderekuona kuti migwagwa yagadzirwa munyika.
Hatina kukwanisa VaBiti kuti tinzwe divi ravo.
VaSpenser Machangara vebato reZanu PF vari kuzokwikwidza kuChitungwiza North senhengo yedare reHouse of Assembly vati bato ravo rinoda kugadzirisa matambudziko ari kusangana nevazhinji.
Amai Dorothy Matsika avo vari kuda kukwikwidza musarudzo dzedare reparamende kuKuwadzana East pasi pebato reThe Freedom of Rights Under Sovereign (FORUS) vaudza Studio 7 kuti vakwanisa kuisa mapepa avo pasina dambudziko .
KuMasvingo Urban kwamboita kukandirana makobvu nematete pakati pevari kutsigira meya weguta iri vari nhengo yeCCC VaCollen Maboke nevari kutsigira gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaMartin Mureri avo vakadomwa nebato iri kukwikwidza musarudzo. VaMaboke vaudza Studio 7 kuti vave kukwikwidza vakazvimirira.
Hatina kukwanisa kubata vari kumirira Zanu-PF VaWellington Mahwende sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.
KuChinhoyi, vatsigiri veZanu-PF vambonetsana vamwe vachiramba vakasarudzwa nebato. Dare renomination Court ragarawo mumatunhu ose enyika. Parizvino vanhu vachiri vakamirira kuti mapepa avo atambirwe sezvo paine vamwe vane matambudziko zvikuru emari nezvimwe.
Facebook Forum