Vemapato anopikisa vakawanda vakatadza kunyoresa nhengo dzeparamende nemakanzura kuti vakwikwidze musarudzo vazhinji vavo vachichemachema nerekuti mari dzaidiwa pakunyoresa dzakawandisa uyewo kuti Zimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC haina kuzivisa zvakakwana zvaidiwa pakunyoresa, asi ZEC nevamwe vaongorori vanopokana neizvi.
Mudunhu reBulawayo, sezvakaitika kumatunhu ose munyika, bato riri kutonga reZanu PF rakakwanisa kunyoresa vamiriri pazvinzvimbo zvose kusanganisira zveparamende nezvehukanzura.
Bato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change rakakwanisa kunyoresa vamiriri pazvinzvimbo zvose kunze kwezvinzvimbo gumi zveProvincial Council izvo zvave kuzovepo sekuzadzikisa mutemo wekuendesa masimba kumatunhu kana kuti devolution.
Bato iri rakave nevanhu vaviri vairimiririra mumaconstituency mana uye rakavezve nevanhu vaviri vaiti vanorimiriririra mumaward mapfumbamwe pamaward makumi maviri nemapfumbamwe emudunhu reBulawayo, zvinove zvakaitikawo kunzvimbo dzakasiyana siyana munyika.
Mutauriri weCCC mudunhu reBulawayo VaFelix Mafa vakati kune vanhu vaive vafojera magwaro vakati vari kutora matanho panyaya iyi. VaMafa vati, “Hativazivi; imbavha dziri kuda kungokanganisa. Vaita inozni electoral fraud -vaba symbol yedu vakafoja masignature saka tanzi izvo napresiding pofficer tiongorore zvose zvatiri kupokana nazvo tozokwira kuElectoral Court.”
Zvisinei nekutaura kwemutungamiri webato reMDC T VaDouglas Mwonzora kuti vanotarisira kukunda zvine mutsindo musarudzo, bato ravo harina kukwanisa kunyoresa vaose vanofanirwa kukwikwidza muparamende uye rakakwanisa kunyoresa vanokwikwidza pahukanzura gumi chete.
Kunyange hazvo vanokwikwidza kukanzuru vasingabhadhare mari mutauriri webato iri VaWitness Dube vati kubhadhara mari ndiko kwakakanagaisa hurongwa hwavo. VaDube vaudza Studio 7 kuti, “Tinoona kuti mabanks ane malimits, system yekubhadhara yacho yatinoti network, inongonetsawo, kozoita nyaya dzekuti mabond note acho chaiwo kuti uwawane akakwana achibva mubank, kune zvakawanda zvinoitwa." Vatiwo, "Saka tiri kutaurirana neZEC, kana tapedza ndipo patichapa statement yedu tichiziva ruzhinji kuti zvakamira sei”
VaTimothy Chiguvare mutungamiri webato rePeople’s Progressive Party avo vakakundikana kuzvinyoresa nekunyoresawo vamwe vavo vati vari
kukwira kumatare kuti nyaya yemuripo unodiwa iwongororwe. VaChiguvare vati, “Ndinoona sekuti pakatadzwa chaizvo nekuti hazvitarisirwe izvozvo kune vatungamiri vatinoti ndivo vatakaisa pazvigaro. Ivo pavakapinda pazvigaro izvozvo havana kumbobvisa mafees akadaro.”
Nyanzvi munyaya dzesarudzo vari muongorori akazvimirira VaSolomon Bobosibunu vati vanobvumirana nemaonero ekuti mari inodiwa pakunyoresa kukwikwidza kuve muparamende kana kukwikwidza kuve mutungamiri wenyika yakawanda. Asi vatiwo pane zvimwe zvikonzero zvakatadzisa vemapato anopikisa kuti vakwanise kunyoresa zvisinei nenyaya iyi.
Chatinoona ndechekuti ruzhinji rwakazvisiya kuti zvizove zvinhu zvekupedzisira kuita, asi tinoziva isu kuti boka rinoona nezvesarudzo rakavhura process iyi mazuva akawanda asi vanhu vakange vasingaendi nemapepa avo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana zvavakange vainazvo, zvimwe zvakakosha, zvimwe zvisina, zvimwe zvisina maturo.”
Mutevedzeri wasachigaro weZimbabwe Electoral Commission VaRodney Kiwa vati ZEC yange isati yapedza kuongorora zvizere zvakaitika pakunyoreswa kwevanoda kukwikwidza asi vati sangano ravo rakaita munguva yakafanira zvose zvinofanirwa pamutemo kuzivisa zvaidiwa kuitwa nevaida kukwikwidza pazvinzvimbo zvakasiyana siyana.
Vatiwo boka ravo harizi iro rinotara mari inodoiwa pakukwikwidza pazvinzvimbo zvakasiyana siyana. VaKiwa vaudza Studio 7 kuti,
“Hatiite mutemo, saka kana vanhu vasingagutsikane munamato wangu ndewekutoti ivo vanofanirwa kutaura nezvazvo zvogadziriswa." Vatiwo, "Asi semamiriro azvakaita isusu tinongotora mutemo semutemo.”
Kune nzvimbo dzakawanda dziri kutariswa neveruzhinji kuti makwikwi achabuda sei kusanganisira kuCowdary Park constituenvcy uko gurukota rezvemari VaMthuli Ncube veZanu PF vachakwikwidzana newechidiki weCCC Pashor Raphael Sibanda.
Nyika yakatarisana nesarudzo dzichaitwa musi wa23 mumwedzi waNyamavhuvhu. Pari zvino pane vanhu vanomwe vari kukwikwidza pachigaro chemutungamiri wenyika uye Zanu PF ndiro chete bato rakakwanisa kunyoresa vachakwikwidza pazvigaro zvose richiteverwa
nebato reCCC.
Facebook Forum