Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika kupemberera zuva revashandi vehurumende reUnited Nations Public Service Day, dzihurumende dzenyika dzemuAfrica dzichikurudzirwa kukoshesa vashandi vadzo kuitira kuti vashande vakafara, izvo zvinozosimudzirawo hupfumi hwenyika dzemudunhu iri.
Vachitaura pamusangano we 9th Continental Africa Public Service Day wapetwa neChishanu kuVictoria Falls, uyo wanangana nezuva revashandi vehurumende iri, uyo wapindwa nemakurukota emunyika dzemudunhu reAfrica, mukuru weAfrican Union, Ambassador Fathallah Sijilmassi, vati hurumende dzemudunhu reAfrica dzinofanira kubata vashandi vadzo zvakanaka.
“Ngatitauriraneyi chokwadi kuti tingaita sei kuti vashandi vedu vave nehupenyu huri nani. Patiri kugona, patiri kukundikana, uye mikana iriko yekuti tivandudze maitiro edu, zvese izvi ngatiudzaneyi, kuitira kuti tibatane padonzvo redu rekuva neAfrica yakabudirira uye inodyidzana, sekureva kunoita Agenda 2063. Ngatibudeyi nenzira itsva dzekuti tishandire nyika dzedu, dzichiitawo kuti ruzhinji rwugutsikane.”
Vachitaura pamusangano mumwechetewo , gurukota rinoona nezvemabasa nevashandi uye kugara zvakanaka kwevanhu, Muzvinafundo Paul Mavima, vati hurumende dzemuAfrica dzinosanganisira yeZimbabwe dzinofanira kubhadhara vashandi vadzo mari inovakwanira.
“Hazvingaiti kuti titarisire vashandi vedu kuti vashande zvinodadisa kana tichivahoresa mari isingakwani, inozoita kuti vaite mamwe mabhindauko anovapa cheuviri chinozovararamisa. Mari shoma inoitawo kuti vapindane nehuori, naizvozvo hatifaniri kuregera izvi zvichiitika.”
Asi mutevedzeri wemutauriri wemubatanidzwa wemasangano anomirira vashandi, reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaGibson Mushangu, vanoti muromo hauzarirwi nerwizi vachiti pari zvino hupenyu hwevashandi vehurumende huri parumananzombe.
“Mitengo yezvinhu iri kurova murambamhuru, naizvozvo vatinoshandira vava kufanira kumanya kuti isu tiwanewo pekubata. Dzimba dzatinogara, zvekudya, zvekufambisa, zvose zvava kure nemaoko edu kuti tizviwane. Saka dai hurumende yakurumidza kutibatsira ipapa, hupenyu hwedu hureruke, uyewo tisakundikana kuenda kumabasa.”
Kuoma kwezvinhu uku kwatsinhirwawo naVaJaphet Moyo, vanove munyori mukuru wemumwe mubatanidzwa wemasangano anomirira vashandi, weZimbabwe Congress of Trade Unions.
“Dhora reZimbabwe rakadonha, zvinova zvinokanganisa vashandi vehurumende vakawanda; ndiko saka tichiona huori hwakawanda, uyewo kutadza kuzvipira pabasa, nekuti mari dzavari kushanda ishoma. Saka zuva iri rakaoma kupemberera muvashandi ava. Panoda kuti pawanikwe nzira dzekuti vashandi ava vawaniswe mari inotenga, vagokwanisawo kuita basa ravo zvakanaka.”
Muzvare Bester Chandata, mugari wemuHarare, vanoti dzimwe nguva vashandi vehurumende vanoita hukasha kana vachibatsira veruzhinji, zvichida nekuti vanenge vaine zvinetso zvakawanda.
“Zvinoenderana nekuti munhu wawasangana naye kuti akubatsire, anenge ari mu mood yakaita sei. Vanhu vakawanda vari mumahofisi ehurumende, vari kushanda vaine huturu hunogona kunge huchikonzereswa pabasa kana kuti kudzimba dzavanobva. Mumwe anogona kutokugwajura zvekuti haukwanise kuenderera mberi nenhau yaunenge wafambira kana kuti unotosvika pakuora mwoyo.”
Asi mukuomerwa kwevashandi vehurumende, nyanzvi inowongorora zvinoitika munharaunda, VaLuke Chitsike, vanoti kune vari kukwanisa kutenga dzimba nemotokari, kunyange vachitambira mari inozivikanwa kuti ishoma.
“Ndinoona sekuti vanoshandira hurumende vari muzvikwata zviviri; vane zvigaro zvepamusoro, kozoita vane zviri pasi. Avo vari kumusoro vanozokwanisawo kuwana chouviri nekuti vanoita huwori, asiwo vepasi avo vanongoramba vachitambura nekuti havakwanisi kuti ndipe mari ndikuitire chakati.”
Musangano wakatanga musi waChikumi 21 kuVictoria Falls uyu wanga uchiitwa pasi pedingindira rinoti, “The African Continental Free Trade Area Will Require a Fit for Purpose African Public Administration to Succeed,” iro rinokurudzira kuti vashandi vehurumende dzemuAfrica vange vakakodzera kuita mabasa kuti Africa ibudirire.
Chinangwa chemusangano uyu ndechekuti dzihurumende dziremekedze vashandi vadzo vanokodzera uye kuti dzibude nezvirongwa zvitsva zvinoendesa mberi mabasa ehurumende, zvikuru mushure medenda reCovid-19.
Asi nyanzvi dzehupfumi dzinoti kunyange zvakanaka kuti nyika dzemuAfrica dzide kusimudzira kudyidzana pakati padzo, basa chairo rinofanira kutangira pakuwanisa vashandi mari inotenga, kuitira kuti vasashande zinyeke-nyeke.
Vashandi vehurumende munyika vagara vachichema kuti hurumende iri kuvabata nekunzew kweruoko, uye masangano mazhinji anomirira vasdhandi vehurumende akatozivisa kare kuti nhengo dzawo hadzichakwanisa kuramba dzichienda kumabasa nekuda kwekuomerwa.
Asi hurumende yagara inoti iri kuedza napose painokwanisa kuona kuti vashandi vayo vatambiriswa mihoro inovararamisa.
Facebook Forum