Bato reZanu PF rapaprura hurongwa hwaro hwekutsvaga rutsigiro mutungamiri waro vari zvakare mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachiti bato ravo riri kukunda zvine mutsindo musarudzo dzegore rino.
Vachitaura pamusangano wapindwa nezviuru zvevanhu waitirwa paMutema High School kuChipinge mudunhu reManicaland, VaMnangagwa vati Zanu pf ndiro chete bato rinogona kuchengetedza rusununguko rweZimbabwe, nekudaro vanhuvanofanira kuti varivhotere kuitira kuchengetedza nhaka yakarwirwa nevana veZimbabwe.
Mutungamiri weZanu PF ava vati wese munhu akarwira rusunguko rwenyika anofanirwa kupiwa ruremekedzo rwegamba renyika, vakati rusununguko rwave kufarirwa iye zvino rwakaunza kodzero dzekuvhota kumunhu wese rwakaunzwa nekuda kweZanu PF.
VaMnangagwa nebato rava vakabva zvakare kuChipinge masvondo maviri adarika uko hurumende yavo yakapa ruremekedzo rwegamba renyika kuna mushakabvu, VaNdabaningi Sithole, avo vakashaya muna 2000 vari kuAmerica.
Facebook Forum