Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika nhasi mukucherechedza zuva rekurwisa kushandiswa kwezvinodhaka kana kuti International Day Against Drug Abuse and illicit trafficking.
Dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka rinonzi nenyanzvi rakonba munyika uye vakawanda vari kukurudzira kuti paitwe mushandirapamwe kurwisa dambudziko rapinda mumusha iri.
Mutauriri webazi rezvehutano VaDonald Mujiri vati kushandiswa kwezvinodhaka munyika idambudziko uye hurumende iri mushishi yekurwisa dambudziko iri .
Mumwe wevakamboshandisa zvinodhaka kwemakore mashanu VaTapiwa Chandavengerwa vati kushandisa zvinodhaka hakuna pundutso.
Vatiwo vanotengesa zvinodhaka vakarangwa dambudziko iri rinogona kuderera munyika.
VaLovet Zingunde avo vakashaikirwa nemwanakomana wavo aishandisa zvinodhaka vati vanhu vanofanirwa kubatana nemapurisa vomhan’arira vanotengesa zvinodhaka.
Vatiwo dambudziko rehurombo rinogona kusunda kunyanya vechidiki kuti vashandise zvinodhaka.
Nyanzvi munezvehutano hwepfungwa VaMerthaMo Nyamande avo vane kirinika yavo inobatsira vanedambudziko rehutano hwepfungwa, inonzi Insight Wellbeing vaudza Studio 7 kuti zvinodhaka zvinokanganisa pfungwa dzevazhinji.
Vachitaura nevatori vehurumende nezvekukura kwedambudziko iri, mukuru pachipatara cheNgomahuru chinorapwa nekuchengeta varwere vepfungwa vakati varwere makumi masere kubva muzana kana kuti 80% vainge vari kuuya kuchipatara ichi vana vechidiki nevamwe vakuru vainge vorwara pfungwa nekuda kwekushandisa zvinodhaka. Mapurisa anoti asunga vanotengesa zvinodhaka vanodarika zviuru zviviri kubva muna Ndira.
Zvimwe zvezvinodhaka zvinonzi zvinonyanyoshandiswa munyika zvinosanganisira mutoriro , mbanje, mishonga yechikosoro yakaita se Broncleer syrup pamwe neHeroine.
Kuburikidza nechisunngo kana kuti resolutuon 42/112, United Nations General Assembly yakatenderana kuti musi wa 26 Chikumi pasi rose richerehedze zuva rekurwisa kushandiswa kwezvinodhaka. Dingindira regore rino rakanangana nekukurudzira kuremekedzwa pamwe nekusasarudzwa kweavo vanoshandisa zvinodhaka.
Facebook Forum