Accessibility links

Breaking News

Meya weHarare VaMafume Voumba Homwe Yekubatsira veMabhizimisi Achiri Kusimukira


Meya weHarare VaJacob Mafume
Meya weHarare VaJacob Mafume

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika nhasi mukucherechedza zuva remabhizimusi madiki neari pakati nepakati kana kuti kuti Micro-Small and Medium –sized Enterprises Day.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti vemabhizimisi achiri kusimukira aya ndivo vakabata hupfumi hwenyika.

Vachitaura nhasi apo vanga vachiparura gwaro rine hwaro hwekuona kuti vemabhizimusi madiki vangabatsirwa sei kusimukira meya weguta reHarare VaJacob Mafume vati gwaro iri rakakosha sezvo guta reHarare rabatwa nevamabhizimusi madiki. VaMafume vati, “Guta rino rabatwa nevemabhizimusi madiki, mabasa kumafactory hakuna, saka basa ravapo ibasa rekutenga nekutengesa nerekuzviitira nemaoko ako.”

VaMafume vabvuma kuti hukama huripo parizvino pakati pevanorarama nekutengesa mumigwagwa nemapurisa ekanzuru hwekugara vachiita kwakiti nagonzo hauna kunaka. “

Vaendererawo mberi vachiti kanzuru inofanirwawo kuona kuti mari dzemitero dziri kushandawo zvinoonekwa nevemabhizimusi madiki awa. Vati, “Nyaya yekungotora hatichaida isu sekanzuru tichagadzirisa kuburikidza negwaro iri .” Vatiwo, “Gwaro iri rataura kuti mari yatinenge tichiti yemarezinesi tinofanirwa kuishandisa kugadzirisa panotengesera vanhu.”

VaMafume vati kanzuru ichaumbawo homwe yemari vachishandisa mitero inobhadharwa nevanhu pamwe nekushanda pamwechete nemabhanga kuti vakwanise kukweretesa vemabhizimusi madiki mari.

Amai Charity Mandishonha verimwe sangano rinomirira vemabhizimisi madiki reZimbabwe Informal Economy Associations vatiwo , “Dambudziko guru ranga riri rekuwana zvikwereti kumabhanga saka tafara kuti kanzuru yati ichaisa homwe ichabatsira vanhu varikuita mabasa emaoko .”

Izvi zvatsinhirwa naAmai Martha Dhamu vanotengesawo mumugwagwa. Amai Dhamu vati, “Chokwadi ndechekuti vanhu kunyanya madzimai vakuvara nekutora chimbadzo chekuti arambe achiita bhizimusi.”Vatizve, “Akatora mari akanotengesa maprofits ongoita mbijana onobhadhara mari dzechikoro odzokera futi kunotora chimbadzo.”

VaTimothy Ngadziore vanotengesawo vatiwo havana pekushandira pakanaka uye vanoswero mhanyidzana nemapurisa .“Dambudziko nderepekushandira parinogadzikana zvakanaka tisinganetsani nemapurisa.”

Koi ivo vemabhizimisi maduku neari pakati nepakati aya akakosha sei muhupfumi hwenyika? Tabvunza nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Prosper Chitambara. VaChitambara vatiwo, “World bank yakamboparura gwaro raitaura kuti vemabhizimusi madiki ndivo vanogona kuvaka mabasa munyika dziri kubudirira saka vakatsigirwa vanogona kusimudzira nzvimbo.”

Gwaro iri rinoti vemabhizimusi madiki ava vanofanirwa kunyoresa kukanzuru, vobhadhara mitero yepanzvimbo pavanotengesera.

Sachigaro wekomiti inoona nezvemabhizimusi madiki nearikusimukira mukanzuru yeHarare VaDenford Ngadziore vati kanzuru ichagadzira nzvimbo dzakanaka dzevemabhizimusi aya, kuvachengetedza kuti vasashungurudzwe , kushanda pamwechete kusimudzira guta reHarare pamwe nekuona kuti vatevedzera mitemo nezviga zveguta.

VaPrecious Shumba veHarare Residents Trust vakurudzira kanzuru kuti izadzikise zviri mugwaro iri vachitiwo kanzuru haifanirwi kungotora mitero isingaonekwi zvairi kushanda .

Munyori mubazi rinoona nezvemadzimai nemabhizimusi madiki neari pakati nepakati, VaMoses Mhike vaudza Studio 7 kuti vemabhizimusi madiki nearipakati nepakati vari kusangana nematambudziko vachiti hurumende ichishanda nemabhanga iri kuyedza kuvatsvagira mari.

Kuburikidza nechisungo kana kuti Resolution 71/279, United Nations General Assembly yakatenderana kuti musi wa 27 Chikumi pasi rose richerechedze zuva remabhizimusi madiki nearipakati nepakati.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG